Kwayedza

Mapepanhau matsva eZimpapers

Muzvare Tonhodzayi

ZIMPAPERS Group, kambani huru yadzo dzose mune zvenhau muZimbabwe, yave nemamwe mapepanhau matsva maviri anodaidzwa nekuti Suburban ayo ari kupihwa pachena kudzimwe nzvimbo dzemuHarare.

Mapepanhau aya anoburitsa zvinotika kuAvondale neBorrowdale pamwe nenzvimbo dzakapoteredza.

Mupepeti wawo ndiItayi Musengeyi, uyo akambove mupepeti weThe Chronicle neThe Southern Times.

Musengeyi anoti mapepanhau aya ane chinangwa chekuzivisa vagari vemunzvimbo idzi zvakasiyana zviri kuitika munharunda dzavo zvakaita semuzvikoro, kumachechi, nyaya dzebudiriro, mitambo pamwe nezvinotika munharaunda dzeko.

Anoti bepanhau rekuAvondale rinobata nzvimbo dzinoti Mt Pleasant, Mabelreign, Marlborough, Westgate, Ridgeview, Milton Park, Strathaven neBluff Hill apowo rekuBorrowdale richiburitsa nhau dzekuHighlands, Greendale neChisipite.

Anoona nezvekudyidzana kweZimpapers neveruzhinji (Public Relations and Corporate Affairs Manager), Muzvare Beatrice Tonhodzayi, anoti mukutanga mapepanhau aya kambani iyi iri kufambirana nenguva sezvo zviri izvo zviri kuitwa kune dzimwe nyika dzakabudirira.

Anoti chinangwa ndechekuvandudza nzira dzekuti veruzhinji vakwanise kuziva zvinenge zvichiitika munharaunda dzavanogara.

Tonhodzayi anokurudzira vemabhizimisi nevamwe kuti vatore mukana uyu kushambadza mabhizimisi avo mumapepanhau aya.

“Chinhu chiri nyore chekuti kana uine bhizimisi raunoita rakanangana nevagari vekuBorrowdale nedzimwe nzvimbo dzakapoteredza, isu seZimpapers takupai bepanhau rekuti munge muchizvishambadza kuvagari vemunzvimbo idzi. Sezvo mapepanhau aya achipihwa pachena, zvinoreva kuti anosvika kuvanhu vakawanda,” anodaro Tonhodzayi.

Anoti kubvira pakatangwa mapepanhu aya, ari kugamuchirwa zvikuru nevagari vemunzvimbo idzi.