Uncategorized

Mapfupa ekamwana akawanikwa mubako

26 Nov, 2020 - 12:11 0 Views
Mapfupa ekamwana akawanikwa mubako Guva

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MHURI inobva kuZaka, mudunhu reMasvingo, inoti yakashaya mwana wayo aive nemakore matatu ekuberekwa muna 2018, ndokuzowana marangwanda ake ari mubako reko nguva yadarika.

VaSinos Jenjere (31) vemubhuku raZibhowa, kwaNhema, vanoti vakashaya mwanasikana wavo ainzi Mirriam Jenjere uyo aiva nemakore matatu nemwedzi mitanhatu yekuberekwa apo aitamba padyo nemusha wavo nemumwe mwana wavo makore maviri adarika, ndokuzowana marangwanda ake ari mubako muna Nyamavhuvhu wegore rino.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti vanoda nguva yekutsvaga mafambiro akaita nyaya iyi.

“Regai ndigotsvaga mamiriro akaita nyaya iyi kubva kumapurisa edu ekuZaka,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

VaJenjere vanoti mwana uyu akashaikwa apo mumwe waaitamba naye akaenda pedyo nepavaitambira achiti aida kunotarisa shangu dzake muzvikwenzi zvaivepo.

“Takashaya mwanasikana wedu aiva nemakore matatu nemwedzi mitanhatu apo vaitamba nemumwe wake aiva mukuru kwaari. Mukuru uyu anoti akaenda kunotora shangu dzake dzaaiva asiya kwavaimbenge vachitambira. Paakadzoka, anoti akasvikoshaya mumwe wake kusvikira azodzoka kumba isu tikazotsvagawo mwana uyu asi tikamushaya kusvikira tazonomhan’ara nyaya iyi kumapurisa ekuZaka,” vanodaro VaJenjere.

Vanoti vakashaya mwana uyu nemusi wa22 Chikumi 2018 ndokuzowana marangwanda ake ari mubako muna Nyamavhuvhu ayo avakazoviga muna Gumiguru wegore rino.

“Mushure memakore aya tisingazive kune mwana, kwakazoita muzukuru wedu anonzi Jacob Pedzisayi apo aifamba mugomo padyo nebako anoti akazoona mapfupa airatidza kuva emwana mudiki paine mbatya padivi. Akazouya kuzotitaurira, tikanoona mapfupa ayo atakaziva nekuda kwembatya dzaiva dzakapfekwa nemwana musi waakashaikwa,” vanodaro VaJenjere.

Vanoti pamusiwo webako iri paiva nedanda ravanoti rinoratidza kuti mutumbi wemwana wakaita wekusandudzirwa mukati mebako naro.

“Patakaenda, ndakaona mbatya dzatakashaya mwana akapfeka dzinosanganisira juzi, bhurauzi, siketi nemaslipers ake zviri mubako nepamusiwo pacho. Zvadaro, takazoenda kwasabhuku VaCharles Musaru tikamuudza akanditi ndimirire baba vangu vaiva kumapurazi avo vakazouya tikazonomhan’ara,” vanodaro VaJenjere.

Murume uyu anoti iye nababa vake VaKwangwari Mujangwe vakazoenda kumapurisa zvakazoita kuti mapfupa emwana atorwe nemusi wa18 Gumiguru vachiti aida kunoongororwa kuchipatara chekuBulawayo.

“Sezvo nyaya iyi yaiva kumapurisa kare kubva patakashaya mwana, kwakazotorwawo vamwe vanhu vakanobvunzurudzwa vanova vehukama asi vakadzoka. Takazoshevedzwa kuZaka vakatidzosera mapfupa aya vakati tivige apo nyaya iyi iri kuferefetwa,” vanodaro VaJenjere.

Share This:

Sponsored Links