Maphosa igevha: Mai TT

06 Sep, 2022 - 13:09 0 Views
Maphosa igevha: Mai TT Mai TT naTinashe Maphosa

Kwayedza

Edwin Nhukarume

FELISTAS “MAI TT” MURATA anoti murume wake – Tinashe Maphosa – uyo waakachata naye muchato wakaita mukurumbira nguva pfupi yadarika, igevha guru rinoziva nzira dzekutsotsa vanhukadzi vaanodanana navo mari nehumwe upfumi hwavo.

Mushure mekudurura zviri pamwoyo pake padandemutande reFacebook, Mai TT akaita hurukuro nemunyori uno achiti anoda kuyambira vamwe vanhukadzi kuti vangwarire kutsotswa naMaphosa.

“Handizi kutsvaga rubatsiro nekuburitsa pachena zvandakaitwa naMaphosa nevamwe vakadzi.

“Asi ndiri kuzviita senzira yekupa vamwe chenjedzo kuti vasapinde mumusungo wake.

“Igevha rinotsotsa vanhukadzi achinyepera seari kuda wanano senzira yekuvakuruka mari yavo,” anodaro Mai TT.

Anoti akazozviona pave paye kuti akange apinda muwanano neguruvhani.

Mai TT anoti pakutanga, vamwe vakadzi vane mukurumbira pavakamuudza kuti murume wake ipfimba, iye akambofunga kuti raive godo asi ndokuzoona kuti ichokwadi.

“Iye zvino vakadzi vose vaakatsotsa kusanganisira Chiedza Mavhangira vari kubuda pachena vachitaura zvaakavaita,” anodaro Mai TT.

Zvisinei, Maphosa haana kukwanisa kubatika kuti ataure rutivi rwake pamusoro penyaya iyi sezvo achigara kuUnited States.

Mai TT anoti akashandisa mari inosvika US$100 000 pamuchato wake naMaphosa munaKubvumbi gore rino.

Share This:

Sponsored Links