Mapirwo ePfumvudza asanduka

07 Sep, 2022 - 14:09 0 Views
Mapirwo ePfumvudza asanduka Cde Vangelis Haritatos

Kwayedza

Vanyori veKwayedza

KUTANGA gore rino, Hurumende iri kuvandudza mapirwo achaitwa varimi mbesa nezvimwe zvekushandisa pasi pechirongwa chePfumvudza/Intwasa zvichienderana nematunhu avanorima vari.

Izvi zviri kuitirwa kusimudzira goho uye kuti nyika iwane kudya kune utano kunokwana.

Vachitaura vari muHarare nhasi, mutevedzeri wegurukota rezvekurima nekusimudzirwa kwemaruwa, Cde Vangelis Haritatos vanoti izvi zviri kuitirwa kusimudzira goho revarimi zvose nenyika pamwe chete neutano hweruzhinji.

“Gore rino tichagovera Pfumvudza/Intwasa zvichienderana nematunhu ane varimi. Vari kunzvimbo dzinoita chibage tinovapa mbeu inoita ikoko, vari kunoita zvakanaka mbesa dzedu dzemuno semhunga, zviyo nemapfunde, tinovapawo izvozvo.

“Asika, hatisi kuti vari kumatunhu anoita mapfunde zvoreva kuti havachadya sadza rechibage. Tinoendesa chibage kuGrain Marketing Board yaikoko chichibva kumatunhu achinorimwa, ukuwo tichiendesa mapfunde kune vaya vanorima chibage, nyika yose yoguta.

“Kungoti kubva nakare vanhu takagara tichingofunga kuti chibage ndicho chinotipa kudya kwemazuva ose asi handizvo.

Chibage chakatouya muno chichibva kunyika dzakaita seBrazil, zvedu zvirimwa zvine utano semhunga, zviyo kana mapfunde ndizvo zvatinofanirwa kudya. Ndokusaka tava kuti kumatunhu anoita zvakanaka mbesa idzodzi, ndidzo dzatinovapa pasi pePfumvudza. Tikadaro tinova neruzhinji rwune utano hwakanaka.

Pfumvudza

“Tinoda kuona nyika yose ichikohwa zvakanaka – chingava chibage kana dzimwe dzesa dzedu dzairimwa muno kubva kare,” vanodaro Cde Haritatos.

Izvi zvinoreva kuti pasi pePfumvudza, varimi vachapihwa mbesa nezvimwe zvekushandisa zvichienderana nekuti chirimwa chinoita kumatunhu avari ndechipi.

Semuenzaniso, vanorima vari kunoita chibage sekuMashonaland Central vanopihwa mbeu yechibage kutichiti vaya vari kunzvimbo dzinonaya mvura shoma sekuMatabeleland South vanopihwawo mbesa dzinoita zvakanaka ikoko kuitira kusimudzira goho uye kuti Zimbabwe igova nemaguta.

Chirongwa chePfumvudza chakananga kuwanisa varimi nenyika goho rinokwanirana apo pasi rose rakatarisana nekusanduka kwemamiriro ekunze ayo ari kukanganisa kunaya kwemvura.

Zvichakadai, kusvika pari zvino varimi 800 000 kubva pa1.2 miriyoni vadzidziswa marimirwo anoitwa pasi pechirongwa chePfumvudza/Intwasa, uye vagadzirira minda yekudyara mbesa dzavo vachimirira kupihwa zvekushandisa zvemwaka uno.

Zvisinei, vamwe varimi vazhinji vachiri kudzidziswa uye kugadzira minda yavo panguva iyo Hurumende iri kutarisira kubatsira varimi 3.5 miriyoni pasi pechirongwa ichi.

Pari zvino Hurumende iri mushishi kuendesa zvekushandisa pakurima izvo zvichapihwa varimi kumizinda yedura guru renyika reGrain Marketing Board iri kumativi mana enyika.

Gore rino, kunze kwekubatsira varimi 3 miriyoni vekumaruwa, Hurumende iri kutsigira zvakare vamwe vanosvika 500 000 vemumadhorobha nezvekushandisa.

Muhurukuro naChief Director of Agriculture and Rural Advisory Services – Professor Obert Jiri – vanoti: “Kusvika neMuvhuro, tanga tadzidzisa varimi 1,2 miriyoni uye 800 000 vavo vakatoita gadziriro apo huwandu hwavo huri kuramba huchiwedzera. Tinoshuvira kuti kusvika musi wa25 Gunyana, tinenge tazadzikisa tarisiro yedu yekuti varimi 3.5 miriyoni vange vaita zvidzidzo izvi.”

Nerimwewo divi, vamwe varimi vanoti vakapedza kuita gadziriro dzinosanganisira kuchera makomba embeu yechibage uye pari zvino vamirira kuti vapihwe zvekushandisa kuitira kuti vakwanise kubata mwaka vagowana goho guru.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey