Uncategorized

Ma’poacher’ 3 asungwa

13 Jan, 2022 - 16:01 0 Views
Ma’poacher’ 3 asungwa Insp Chazovachii

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VARUME vatatu vekuMacheke, kudunhu reMashonaland East vakasungwa nemhosva yekuvhima mhuka dzesango dzinosanganisira mhara nemabimha vasina matsamba anovatendera kuita izvi sezvinodiwa nemutemo.

Mutauriri wemapurisa kuMashonaland East, Inspector Simon Chazovachii vanotsinhira nyaya iyi vachiti yakaitika nemusi wa7 Ndira papurazi reEldorado riri kuMacheke.

“Tine varume vatatu vakasungwa nemapurisa kupurazi reEldorado kuMacheke nemusi wa7 Ndira gore rino mushure mekuwanikwa vapfura mhuka musango zvinova zvisingabvumidzwe nemutemo. Varume ava ndiJames Munhupedzi (48) anova maneja kukambani yeTree Top Security Company muHarare, Simbarashe Tumba (22) wekuVillage 16 kwaMasomera kuMarondera naTinei Chari (40) wekwaSabhuku Ngaura, kuDema kwaSeke,” vanodaro Insp Chazovachii.

Vanoti mumwewo murume anonzi Life Makamuna akatiza apo vamwe vake vakasara vachisungwa.

“Mapurisa vakasunga vatatu ava apo Life Makamuna akabva atiza uye tiri kumutsvaga nemhosva yekuvhima zviri kunze kwemutemo. Vakasungwa ava vakachengetedzwa nemapurisa vakamirira kuenda kumatare edzimhosva,” vanodaro Insp Mwanza.

Vanokurudzira kune vanoziva kuna Makamuna kuti vataurire mapurisa ari pedyo navo.

Vasungwa vatatu ava vanonzi vakabatwa mushure mekuuraya mhuka dzinosanganisira mhara nhatu nebimha rimwe chete uye vakazowanikwa vava kuda kupfura mbizi.

“Varume ava vaiva nepfuti mbiri dzemhando ye.22 dzaiva dzakaiswa mabinocular kumberi idzo takawana. Vakanga vaine mapanga nematemo avaishandisa izvo zvakawanikwawo.

“Pfuti idzi dzinoratidza kuti dzaisava nemagwaro sezvinodiwa nemutemo. Tinokurudzira vanhu kuti kana vachida kuvhima zviri pamutemo vatsvage magwaro anotenderwa,” vanodaro.

Insp Chazovachii vanozoyambirawo veruzhinji kuti vabaise imbwa dzavo majekiseni echimbwamupengo sezvo vachiti kusaita izvi imhosva.

“Tine vanhu vanochengeta imbwa mumisha yavo dzavasingabaise majekiseni echimbwamupengo. Ikurudziro yedu kuti vabaise imbwa idzi sezvo nyaya dzakadai dzichizobuda kana imbwa dzaruma vanhu dzamhan’arwa kumapurisa,” vanodaro Insp Chazovachii.

Share This:

Sponsored Links