‘Maporofita’ akaenda neUS$8 000 nemota mbiri

16 Nov, 2021 - 17:11 0 Views
‘Maporofita’ akaenda neUS$8 000 nemota mbiri Dare

Kwayedza

Munyori weKwayedza

MAPOROFITA maviri ayo anonzi ndeemanyepo akaendeswa kudare reHarare Magistrate’s Court vachitarisana nemhosva yekunyepera kubvisa zvikwambo pane imwe imba iri kuTynwald, muguta reHarare izvo zvakaita kuti vapihwe muripo weUS$8 000 nemotokari mbiri.

Maporofita anonzi ndeemanyepo aya ndiRhodrick Murefu (33) wepanhamba 3527 268th Close kuKuwadzana 3, Gutsai Chikoto (47) wepanhamba 1828 Crowborough Phase 2 muguta reHarare nevamwe vaviri vasati vabatwa.

Mutongi wedare iri, Dennis Mangosi, vakati vasungwa vaviri ava vadzoke zvakare kudare munguva pfupi inotevera apo vanenge vachitongwa vari muchizarira.

Muchuchisi Anesu Chirenje akaudza dare kuti mumwedzi waGumiguru gore rino, panhamba 7650 Danonview kuTynwald, Chikoto naMurefu uye vamwe vaviri vasati vabatwa vanonzi vakanyepera Douglas Sauti kuti ivo maporofita anobatsira zvikuru munyaya dzezvemweya vachishanda vari pasi pekereke yaMadzibaba Apostolic Sect kuKuwadzana 3, muHarare.

Vasungwa ava vanonzi vakaudza mumhan’ari kuti vaikwanisa kubvisa zvikwambo izvo zvaiva mumba make saka vakamuti vaida kuzobhadharwa US$8 000.

Mushure mekunyepera kubvisa zvikwambo, vasungwa ava vanonzi vakaudza mumhan’ari kuti vakanga vachida kuzonodzorera zvikwambo kuMt Darwin kunova kwazvakabva nekudaro vaida imwe US$8 000 yekuita basa iri.

Sauti anonzi akafana kupa vasungwa ava motokari mbiri dzinosanganisira Toyota Prado ine nhamba dzinoti ABV 5550 uye Mercedes Benz ine nhamba dzinoti ADM 4667.

Sauti anonzi akazodzidza kuti kuchenurwa kwainge kwaitwa musha wake kwainge kuri kwemanyepo sezvo “zvikwambo” zvacho zvisina kubva apo akanga asiri kuona shanduko muupenyu hwake achibva anomhan’ara nyaya iyi kumapurisa.

Motokari dzaainge avapa dzakawanikwa kusanganisira redhiyo yemumotokari yainge yakabiwa uye mumhan’ari akakwanisa kuziva zviso zvevasungwa.

Share This:

Sponsored Links