Uncategorized

Maporofita dzosai juju yangu: n’anga

28 Dec, 2018 - 00:12 0 Views
Maporofita dzosai juju yangu: n’anga

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURUME wekwaMurehwa ava kudemba achichemera zvinhu zvake zvaaishandisa achaita zvehun’anga izvo zvaanoti akatorerwa nemaporofita apo akamborwara.

Murume uyu anoti ava kuda kudzoserwa zvinhu izvi sezvo achiti ndizvo musimboti weupenyu hwake.

VaMutendi Kaseke (81) – avo vanogara mubhuku raJakopo, kwaMangwende, uye vaimbova n’anga yemandiriri kwemakore anodarika makumi maviri – vanoudza Kwayedza vachidemba kuti vanoda kudzoserwa midziyo yavaishandisa pahun’anga inosanganisira hakata, tsvimbo, midende, makano, mapfumo, kasha dzefodya, ngundu nezvimwe zvakawanda izvo zvavanoti zvakatorwa nemaporofita zvikanoraswa.

“Ndaiva n’anga yaityisa nekuzivikanwa muno muZimbabwe nekunze asi ndakazorwara ndaita sitiroko. Munongoziva kana warwara, unoita zvose-zvose, vana nemadzimai angu ari pachipari vakazoshevedza maporofita enguwo tsvuku vakanditi ndirase makona angu ose andaishandisa mukurapa ayo ndakanorasa ndiinavo kurwizi rwaHunyani kuno kwaMurehwa,” vanodaro.

VaMutendi vanoti kuburikidza neshavi nemudzimu wehun’anga uyo wavanoti wakazobviswa nemaporofita, vakasara zvinhu zvave kuvanetsa vasisawane mari uyewo pfuma yavo inosanganisira zvipfuyo nezvimwe zvichiparara.

“Ndakaendesa vana vangu kuzvikoro nekuvaka misha nekuunganidza upfumi kuburikidza nehun’anga. Saka izvozvi mashavi aya ave kundirwisa achiti ndakazoaramba ini ndakaita mari nawo.

“Ndave kuda kuti mudzimu uyu udzoke nemashavi awo zvose nekudzoserwa hakata dzangu netsvimbo dzacho nezvimwe zvakatorwa nemaporofita,” vanodaro.

Vanoti vane machira avakatengera mudzimu uyu nezvimwe zvinhu izvo vakanokanda murwizi urwu, mashavi anga ari pavari achibva abviswa nemaporofita.

Machira, hakata nezvimwe zvinhu zvinoshandiswa nen’anga — Mifananidzo naTariro Kamangira

“Zvinhu zvangu zvaifamba zvakanaka ndiine ndichiri n’anga. Izvozvi ndave kutambura, mashavi nemudzimu zvakabviswa pandiri nemaporofita zvave kundirwisa.

“Kunyange kufa kwevana vangu, zvinonzi ndizvo zviri kukonzera sezvo zvichinzi zvinoti wave kutirasa iwe wakaita mari nesu. Maporofita aya vanofanirwa kudzosa zvinhu zvangu kana kuti ndotenga zvimwe. Ndichafamba ndonzwa kuti ndodii sezvo zvaunza matambudziko kwandiri,” vanodaro.

VaKaseke vanoti vanonzwa nyaya dzekuti maporofita anotora simba ren’anga vozvisimbisa naro izvo zvavanoti ndizvo zvinogona kunge zvakaitika kwavari vasingazive.

“Kana kuine n’anga dzinokwanisa kuti mashavi angu adzoke, ndinoda kubatsirwa nekuti hun’anga hwangu hwakatorwa nevachenjeri ava vachiti vari kundirapa,” vanodaro.

Sabhuku Jakopo, VaReginald Charles Matenga (82), vanotsinhira kuti murume uyu aiva n’anga yemandiriri asi akazorasiswa zvinhu zvake nemaporofita.

“Murume uyu aiva imwe yen’anga dzine mukurumbira munyika muno nekunze achishandira zvechokwadi. Asi akazorasiswa hakata dzake, machira, tsvimbo nengundu izvo zvave kumunetsa,” vanodaro Sabhuku Jakopo.

Mukuru wesangano rinomirira machiremba echivanhu, reZimbabwe National Practitioners Association, Sekuru Friday Chisanyu, vanoyambira vanhu vanosvikirwa kana kubatwa nemashavi emadzinza avo – kwete ekutenga – kuti midzimu haibviswe sezvo vachigona kurasa njere, kufa nekuitawo matambudziko akawanda.

“Tine vatinoziva vakafa nekuita zvirema nehupofu vaedza kubvisa midzimu. Unoramba mudzimu ndiwe wakauunza pauri? Kupisa hakata dzevafi nemashavi unofa. Murume uyu ane rombo rakanaka kuti mupenyu, angadai akamonywa kare,” vanodaro Sekuru Chisanyu.

Vanoti vamwe nekuda kwekunyengerwa, homwe dzinosvikirwa vanonzi pisai zvinhu zvinosanganisira tsvimbo, hakata nemachira uye vakazvitevedzera vanoita jambwa risingapere.

“Nekuda kwezvitendero zvawanda, vamwe vanhu vari kufurirwa kunzi pisai zvinhu vachinzi varoyi kana kupumwa mhosva dzavasina.

‘‘Monzi pisai zvinhu zvasekuru kana mbuya venyu, mapisa kudaro munoti mudzimu wabva unenge usina kubva asi kuti unenge uchikutevera,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey