Uncategorized

Maporofita, n’anga nenyoka

01 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Maporofita, n’anga nenyoka Sekuru Booster vachirova nyoka

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MAPOROFITA nanatsikamutanda vakawanda nguva zhinji pavanoita basa ravo rekuchenura misha vanowanzobata nyoka izvo zviri kukahadzisa veruzhinji kuti sei vasingabate zvimwe zvinhu zvinonzi zvinoshandiswa nevaroyi semapere nemazizi?

Gore rapera, Kwayedza yakaburitsa imwe nyaya yakasiya vanhu vaine kusagutsikana iyo yakaitika kuRinga, kwaChihota, apo pamba peimwe mhuri panonzi pakabatwa nyoka neimwe n’anga inozviti Sekuru Booster.

N’anga iyi yakati vana vasere vemhuri inogara kumindamirefu yeTsunga Village 1, kwaMambo Nyandoro, kwaChihota, vakapera kuuraiwa nenyoka yevaroyi iyo yakazoburitswa.

Mhuri yaVaCharles Jiri, avo vakashaika mugore ra1982, naMbuya Theresa Nhundu Jiri (78) vekuWard 17, yainzi yakapera kufa zvisina tsarukano zvekuti kwangosara mwanakomana mumwe chete pavana vapfumbamwe.

Mbuya Jiri – avo vava kufamba ne”wheel chair” – vanonziwo vakatsikiswa nebhazi nekuda kwenyoka iyi zvikaita kuti vararame negumbo rimwe chete mushure mekunge rimwe radimburwa. Nyoka iyi inonzi yakaiswa mumusha wemhuri iyi nevavengi kuti ikonzere nhamo nematambudziko uye inogara ichida ropa revanhu.

Mhuri iyi yakashanyirwa nen’anga Edward Moyo (46) uyo anozviti Sekuru Booster wekuZhombe.

Sekuru Booster akazoburitsa nyoka yerudzi rwemhungu muimba inorara Mbuya Jiri, iri muzibhegi ichinzi ndimo mayakaiswa nevaroyi.

Mhungu inonzi ndeye varoyi iyi – imhando yenyoka ine huturu hwakaipisisa panyoka uye inoti ikaruma munhu anofa mushure memaminitsi angasvika 20 bedz. Nyoka iyi yakamboda kumhanyisa vanhu vaiva pachiitiko ichi, kusanganisira Sekuru Booster, apo yakazorohwa nebonza pamusana payaisimudza musoro ichifutisa pahuro.

N’anga iyi yakazobata nyoka iyi ikaisimudza mudenga apo yaikarara ichishevedzera kuti yaiva yabvisa chikara chapedza mhuri. Mbuya Jiri vakatsinhira kufa kwevemhuri yavo zvisina tsarukano – kusanganisira vana vavo vasere.

Chembere iyi yakapururudza nemufaro apo vakaona chikara ichi chichiburitswa.  Nyoka iyi yakangofanana neyakawanikwa svondo rino iine murume wemuHarare anozviti muporofita-n’anga – Eddison Mhembere.

Obvunzwa kuti sei kuine n’anga dzakawanda dziri kuzviti “Sekuru Booster” uye dzose dzichingobata nyoka muvanhu, n’anga iyi yakangoti, “Kune vakawanda vari kushandisa zita rangu kubira vanhu, ini ndini Sekuru Booster chaiye – original.”

Mapurisa anoyambira veruzhinji kuti vangwarire vanatsikamutanda vanonyebera kuti vanobvisa nyoka, zvikwambo nenyanga mumisha yevanhu asi ivo vachida kuvabira.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey