Maporofita nen’anga chikuruku manyanya

16 Mar, 2018 - 00:03 0 Views

Kwayedza

MAZUVA ano maporofita nen’anga vawandisa zvekuti hazvishamise kunzwa kuti munzvimbo diki-diki munogona kuita zvikwata zvemaporofita kana n’anga makumi maviri.  Izvi zvinopa mubvunzo wekuti vose ava vari pachokwadi here? Asi kana tikanyatsoongorora zviri kuitwa nevamwe vavo, tinoona kuti vashoma vavo vakazvipira mubasa iri uye kuti vazhinji vacho makuruku – makoronyera ekupedzisira.

Tinodaro nekuti veruzhinji vari kuchema chema mushure mekutsotswa nemaporofita kana kuti maprophet pamwe nen’anga.

Kune nyaya dzakawanda dziri kubuda munhau pamusoro pemaporofita anopomerwa kubata vanhukadzi chibharo kana kuitawo mamwe mabasa erima. Imwe nyaya iri kunetsa ndeyemaporofita kana n’anga vanozivikanwa savanaTsikamutanda, avo vanoti vanofamba vachichenura mumisha yevanhu.  Chiri kushamisa ndechekuti sei pakuchenura apa vakawanda vavo vari kungobata nyoka chete vachiti ndidzo dziri kushandiswa mumabasa ehuroyi? Apa nyoka dzacho dzinenge dzakangofanana – mhungu kana shato.

Kazhinji kana nyoka idzi dzabatwa hadziurayiwe, vanaTsikamutanda ava vachiti vanozodziuraira mberi. Semaonero edu, iyi inzira yechikiribidi yekuti muporofita kana n’anga vanokwanisa kushandisa nyoka idzi pane mimwe misha mumabasa avo echikiribidi. Kubva pasichigare, varoyi vanozivikanwa vachishandisa zvinhu zvakaita semazizi nemapere izvo zvisiri kubatwa nemaporofita amazuva ano. Zvoreva kuti huroyi hwasanduka?

Kune vamwewo vanhu vanonzi vave kuita basa rekuchera nyoka vachitengesera maporofita nen’anga venhema ava.

Chokwadi kuda mari kwakadii kungaita kuti munhu afambe akasenga mukweshwa wenyoka achitsvaga wekutengesera?

Kune mamwe matunhu enyika, kune vanhu vanotozivikanwa nekubata nyoka vachitengesera n’anga nemaporofita.

VanaTsikamutanda ava vane mukurumbira wekunyengedza ruzhinji apo vanokanda zvinhu zvakaita senyoka mudzimba dzevanhu vozonyepera kuti vanenge vazvibata kuburikidza nemasimba avo.

Vamwe vacho ndivo zvakare vave nekatsika kekutenga vanhu vanopupura manyepo mumachechi nekumasowe, mumaredhiyo nemumapepanhau iri nyaya yekutsvaga mbiri chete.

Zviri pachena kuti chinangwa chemaporofita nen’anga dzenhema idzi kutsvaga mari chete pamwe nekurozva veruzhinji upfumi hwavo.

Hongu, n’anga nemaporofita echokwadi variko asi vazhinji vavo maguruvhani. Nhasi uno kune vanhu vemumhuri dzimwe chete vasiri kuonana nekuda kwemabasa avanaTsikamutanda vanonanga vanhu huroyi vachinyatsoziva kuti vanenge vachivanyebera.

Hapana kuroya kunodarika kunoitwa nemaporofita nen’anga venhema ava. Imharadzi! Chinonetsa ndechekuti zvisinei nechenjedzo inogara ichipihwa veruzhinji, kune vamwe vari kuramba vakaisa zvimiti munzeve asi pekupedzisira vozochema kana pfuma yavo yatorwa nemakuruku aya. Kune vamwe vagari vekumaruwa vanosvika pakumanikidzirwa nanaTsikamutanda kuti misha yavo “ichenurwe” vachibatsirana nehama dzavo inove mhosva huru. Zvakakosha kuti dzidziso yekuti zvehutsikamutanda hazvitenderwe pasi pemutemo munyika muno irovedzerwe kune veruzhinji.

Kana wamanikidzirwa kuti musha wako ushandirwe, kana kuti wanangwa huroyi nani zvake, mhan’ara kumapurisa n’anga kana maporofita acho asungwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>