Maporofita nen’anga vofundiswa zveCovid

10 Oct, 2021 - 13:10 0 Views
Maporofita nen’anga  vofundiswa zveCovid Bishop Cuthbert Nyaruvenda

Kwayedza

Kingstone Mapupu

SANGANO rinomirira machiremba echivanhu nemaporofita, reZimbabwe National Practioners Association (ZINPA), rinovakurudzira kuti vabaiwe majekiseni ekudzivirira Covid-19 uye nekuti vatevedzere matanho ose ekurwisa chirwere ichi.

Kurudziro iyi yakaitwa pagungano rakapindwa nen’anga, maporofita nananyamukuta vechivanhu vanodarika makumi mashanu nguva pfupi yadarika muguta reHarare iro raive nedonzvo rekuvadzidzisa mashandiro avanofanirwa kuita munguva ino yedenda reCovid-19.

Mukuru weZINPA, Bishop Cuthbert Nyaruvenda, vanoti zvakakosha kuti machiremba echivanhu agare achivandudzwa ruzivo rwavo pamusoro pechirwere ichi nguva nenguva.

“Takaita musangano nemachiremba edu ose echivanhu, donzvo riri rekuti tose tibaiwe nhomba dzeCovid-19 nekuzivawo zvinofanirwa kuitwa pakurapa vanhu mumatare edu,” vanodaro Bishop Nyaruvenda.

Vanoti zvimwe zvavakadzidziswa nenyanzvi dzezveutano zvinosanganisira kushandisa mishonga yemasanitiser, kupfeka mamasiki nekugeza maoko.

“Musangano uyu waiva nenyanzvi dzezveutano idzo dzakapakura ruzivo kuvarapi vedu zvaisanganisira kuzvishambidza pose patinoita basa redu, torega kuunganidza varwere kuita chitsokotsoko,” vanodaro Bishop Nyaruvenda.

Vanoti varwere vanoratidza kuva nedzihwa nezvimwe zviratidzo zveCovid-19 vakakurudzurwa kuti vavaendese kuzvipatara nekumakiriki pane kuedza kuvabatsira kuchivanhu.

“Imwe nyaya yatakazobata-bata ndeyekupondwa kwevana nevanhu vakuru nechinangwa chekuchekeresa. Nyaya idzi dzakakurukurwa dzichivhenganiswa nezvinodiwa panyaya yekuchengetedza utano munguva ino yeCovid-19.

“Takataurira n’anga dzedu nemaporofita kuti hakuna kubudirira kunounzwa nekudeura ropa, kushanda chete ndiko kunoita kuti vanhu vabudirire kwete kuuraya,” vanodaro.

Bishop Nyaruvenda vanoti vananyamukuta vechivanhu vakawanawo dzidziso yakadzama pagungano iri.

“Pakusunungutsa madzimai panoda hutsanana huzere, zvikuru takatarisana nedenda reCovid-19. Saka vananyamukuta vakawanawo dzidziso inosanganisira kuti vanofanirwa kupfeka zvose mamasiki nemagirovhosi uye vozokurumidza kusvitsa varwere vavo kumakiriniki nekuzvipatara kana paita zvinonetsa,” vanodaro Bishop Nyaruvenda.

Vanoyambira machiremba echivanhu kuti imhosva huru kuzvishambadza kuti vanorapa chirwere cheCovid-19 sezvo denda iri risati rawanirwa mushonga.

“Tinonzwa mamwe machiremba anotaura kuti vanorapa Covid-19, ikoko kunyepa. Vanoda kubira vanhu mari dzavo, mhan’arai vanhu vakadai kana mavaona nekuti ndivo vanoparadzira hutachiona hwechirwere ichi vachinyepera vanhu nekuita zvisingadiwe mukurwisa denda irori,” vanodaro Bishop Nyaruvenda.

Share This:

Sponsored Links