Uncategorized

Maporofita vafukunura chitunha . . . hanzi tichaita kuti munhu akafa amuke

25 Nov, 2021 - 17:11 0 Views
Maporofita vafukunura chitunha  . . . hanzi tichaita kuti munhu akafa amuke Asst Insp Dhliwayo

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUPOROFITA wechidzimai wechechi yeKutenda KwaJesu Apostolic Church asungwa pamwe chete nevamwe vake vaviri nemhosva yavari kupomerwa yekufukunura chitunha chemwana kasvava kaive nemwedzi mitatu yekuberekwa vachiti kainge kavigwa kari kapenyu kuMvurwi, kudunhu reMashonaland Central.

Izvi zvinotevera kufa kwemwana ainzi Chipo Mutazu wepapurazi reArda kuMvurwi uyo akashaika nemusi wa15 Mbudzi mutumbi wake uchibva wavigwa.

Mukuru wechechi iyi, Bishop Tamuka Chipoiwa, anonzi akazozivisa vabereki vemwana uyu nevamwe vanhu vaive parufu urwu kuti vasavige mutumbi wake achiti aiva mupenyu apo vainge vatouviga kare.
Madzimai Pelagia Chingwena (35) vechechi iyi vanobva mubhuku raMusiiwa kudunhu raMambo Mutumba, kuMadziva vanonzi nemusi wa16 Mbudzi vakazoenda kumhuri iyi ndokutaurira vabereki vemuchakabvu uyu kuti vakange vaviga mwana mupenyu.

Mutauriri wemapurisa kuMashonaland Central, Assistant Inspector Naison Dhliwayo, vanoti Robson Mutazu (23) naAnna Mutazu Vheremu vakabvumidza muporofita uyu kuti afukunure mutumbi wemwana wavo.

Madzimai Chingwena vanonzi vakataurira vanamati vemuchechi mavo vanosanganisira Esteri Chisamba (41) naMaria Chirata (61) kuti vafukunure mutumbi wemwana uyu vachiti mupenyu.

Mutumbi uyu wakafukunurwa apo Madzimai Chingwena vanonzi vakazotanga kuimba nekunamata vachitaura nendimi husiku hwose vachiedza kumutsa mwana uyu asi zvakaramba – chitunha hachina kumuka.

“Zvisinei nezvaitaurwa naMadzimai Chingwena naBishop wavo Chipoiwa kuti mwana uyu aiva mupenyu, aiva akafa. Vanhu vakafukunura mutumbi uyu vakawana mwana uyu akafa nekudaro mapurisa vakabva vasunga vanhu ava nekuda kwenyaya iyi avo vari kubatsira mukuferefetwa kwayo,” vanodaro Asst Insp Dhliwayo.

Vanoyambira veruzhinji kuti imhosva kufukunura guva pasina mvumo sezvinodiwa pasi pemitemo yenyika.
“Kana tashaikirwa nehama, ngatitsvagei machiremba ezveutano akadzidzira basa voongorora kuti ichokwadi here kuti munhu afa kana kuti mupenyu, kwete kutaurirwa ne’mweya’ yakasiyana-siyana.

“Vanhu ava vakasungwa nemapurisa vari vashanu, kusanganisira nevabereki vemwana uyu, uye vari kubatsira mukuferefetwa kwenyaya iyoyi. Mutumbi wemwana uyu wakazovigwa zvakare musi mumwe chete uyu,” vanodaro Asst Insp Dhliwayo.

Share This:

Sponsored Links