Mapositori akavhura mwana (17) mimba

19 Jun, 2020 - 00:06 0 Views
Mapositori akavhura mwana (17) mimba Insp Mundembe

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MAPURISA ekuBindura anoti ari kuferefeta rufu rwemwanasikana ane makore 17 ekuberekwa uyo anonzi akashaika achisununguka apo ainge aendeswa ku”chitsidzo” kunobatsirwa madzimai emapositori veJohanne Marange.

Pane mashoko ari kuferefetwa nemapurisa anoti mwanasikana uyu akaita zvekuvhiiwa nebanga apo aibatsirwa kuti asununguke kuchechi uku.

Elsie Mapfumo (17) anonzi akashaikira kuchitsidzo chiri kwaGuwa, kwaMusana, achibva avigwa chiverevere pasina kuzivisa mapurisa uye asina kuvhenekwa mutumbi wake kuti paonekwe chikonzero cherufu rwake.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, Inspector Milton Mundembe, vanotsinhira nyaya iyi.

“Tinayo nyaya yemwana anonzi Elsie Mapfumo wemakore 17 okuberekwa uyo akashaya panguva yekubara uye tine mumhan’ari anova tete vake avo vaaigara navo asati atizira mukonama wake sezvo iye akafirwa nevabereki vose. Tete ava, Felistas Mapfumo, vanogara kuKaroi.

“Mugore ra2018, mwana uyu akazotama achinogara kuBindura nasekuru vake vanonzi Daniel Chivandire. Gore rapera, mwanasikana uyu akaita pamuviri achibva atizira kumukomana wake anogara kuUshewekunze, muHarare,” vanodaro Insp Mundembe.

Vanoti ari kumurume uku, Elsie akatanga kusangana nematambudziko.

Anonzi akabva audza sekuru vake avo vakamuti aende kunobarira ku”chitsidzo” chiri kwaGuwa uko kwaakazofira.

“Nomusi wa10 Chivabvu gore rino, sekuru vake nemudzimai wavo Media Thembo vakamuperekedza kuchitsidzo vachiti anobatsirwa pakusununguka naMadzimai Netty Mashe. Vakamusiya ari mumaoko emudzimai uyu naThembo uyo anonzi akazofonera murume wake (sekuru vemufi) mushure memazuva gumi achimuzivisa kuti Elsie airwadziwa nemusoro zvakanyanya uye ainge asisakwanise kutaura,” vanodaro.

Vanoti nemusi wa21 Chivabvu, Elsie akabva ashaika achisununguka.

“Media Thembo, uyo aimupepa ari kuchitsidzo, akazozivisa murume wemufi vachibva vaenda kunotora mutumbi uyo vakaenda nawo kumba. Vakazofonera tete vake Felistas Mapfumo avo vakati vainge vakamunyoresa kumakambani anoviga vafi (funeral policy), asi ndokupokana nemurume waElsie uyo aida kuti avigwe nenzira yechipositori pasina bhokisi,” vanodaro.

Nomusi wa22 Chivabvu, mutumbi wemwanasikana uyu wakavigwa kwaChivandire mapurisa asina kuziviswa.

“Tete ndivo mumhan’ari sezvo vari kuti vane zvavasiri kunzwisisa kana kuti zvisina kujeka pafiro yemuzukuru wavo. Asi nyaya huru tinoona seiri pakuti vakadzingwa parufu rwemwana uyu mushure mekunetsana pazvitendero.

“Pane nyaya yekuti mwana uyu akavhiiwa nebanga pakubatsirwa kusununguka isu semapurisa hatisati tava nayo, asi tichiri kuiferefeta,” vanodaro Insp Mundembe.

Vanokurudzira veruzhinji kuti kana vawirwa netsaona yekuri munhu anofa zvisina tsarukano, vanofanirwa kukasika kuzivisa mapurisa ari pedyo.

“Kana takatarisana nechirwere cheCovid-19 chanetsa ichi, zvine njodzi vanhu kungoviga munhu pasina kuzivisa mapurisa. Nyaya yekuti munhu anonzi akatomborwara kwemazuva gumi ari kumasowe kusvika afira ikoko nemwana wake hazvaifanira kuti angovigwa pasina kuitwa ongororo nemachiremba,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey