Mapositori ‘okwata’ kufamba netsvimbo

13 Jun, 2014 - 00:06 0 Views
Mapositori ‘okwata’ kufamba netsvimbo

Kwayedza

MAPOSITORI anonamatira kuSunningdale vachinamata vasina tsvimbo svondo rapera.

MAPOSITORI anonamatira kuSunningdale vachinamata vasina tsvimbo svondo rapera.

MAMWE mapositori echechi yeJohane Masowe yeChishanu havachafamba vaine tsvimbo dzavo sakare zvichitevera kurohwa kwakaitwa mapurisa pamwe chete nevatori venhau netsvimbo nemabwe nemapositori anotungamirirwa naMadzibaba Ishmael Chokurongerwa kuBudiriro, muHarare svondo rapera pamberi.

Madzibaba Ishmael achiri kuvhimwa nemeso matsvuku nemapurisa mushure mechiitiko ichi asi pane vamwe vane chitsama vakasungwa.
Ongororo yakaitwa muHarare neKwayedza svondo rapera kunzvimbo dzinoungana mapositori dzakaita sepanosangana mugwagwa waSeke naCripps nekuKuwadzana yakaratidza kuti vamwe vemapositori havasi kufamba netsvimbo dzavo sezvavaisiita kare.

Izvi zvinotevera kurohwa kwakaitwa mapurisa, vatori venhau pamwe chete nevamwe vakuru vesangano rinomirira chechi dzechipositori, reApostolic Christain Council of Zimbabwe (ACCZ) kuBudiriro naMadzibaba Ishmael nevateveri vake. Mhirizhonga iyi yakaitika zvichitevera kuziviswa kwakange kwaitwa mapositori aya nesangano reACCZ kuti vamiswa kunamatira panzvimbo iyi nekuda kwedzidziso nemhiko dzisina humwari, kusanganisira kuti vana baba ndivo vanoongorora vanasikana vavo humhandara.

Mapositori anodarika 28 echechi iyi akatomira mudare nekuda kwenyaya yemhirizhonga iyi. Madzibaba Ishmael achiri kutiza kusungwa asi pane fungidziro huru yekuti anogona kunge akahwanda kumusha kwake kwaMurehwa.

Kwayedza yakashanyira sowe raMadzibaba Israel, avo vanonamatira panosangana migwagwa Seke naCripps ndokuona kuti mapositori ane chitsama ainge asina tsvimbo uye vaiva nadzo vaisabuda pachena. Mutungamiriri wesowe iri, Madzibaba Israel, vakambotaura gore rapera kuti Madzibaba Ishmael haasi wavo, vachiti akapanduka. Madzibaba George Kahwemba (56) vepasowe iri, avo vanogara kuTagarika Flats, muMbare, vakati tsvimbo dzavo dzaive dzakayereswa uye vaidzishandisa pakunamata chete.

Madzibaba Kahwemba vanoti chechi yavo yakapesana neyaMadzibaba Ishmael makore matatu adarika mushure mekuona kuti dzidziso yavakange vave kutevera yaive isina humwari uye vakamboedza kuvadzoreredza zvikakona.

“Chasara chakafanana mazita chete asi tsika dzose dzaIshmaeri nedzedu dzakasiyana, isu kuno tine tsika dzakanaka,” vakadaro Madzibaba Kahwemba. Vanoti chitendero chavo chinobvumira vatendi kuti vaone terevhizheni, kuendesa vana kuchikoro pamwe nekuenda kubasa uye ivo vanoshanda muchiuto. Ose maitiro aya haatenderwe kwaMadzibaba Ishmael.

“Isu kuno vana vedu izvozvi hamuvaone, vaenda kuchikoro uye tinoenda kumabasa. Ini ndinotori musoja, zvivhitivhiti pamwe nemibhedha tinazvo kudzimba dzedu,” vakadaro Madzibaba Kahwemba.

Mashoko avo akatsinhirwa naMadzibaba Joseph Mutombwa (45) vachiti tsvimbo hadzisi dzekurovesa vanhu asi dzekunamatisa. Vamwe madzibaba avo vakangozivikanwa saMadzibaba Goddie, vakati tsvimbo ndedzevanhu vanokodzera kudzishandisa avo vanooneswa pamweya, naizvozvo hadzitenderwe kuitiswa mabasa asakarurama. “Tsvimbo idzi hadzitenderwe kuitiswa mabasa asina kururama, ndokusaka Ishmael nevanhu vake vari panguva yakaoma,” vakadaro Madzibaba Goddie.

Pane fungidziro yekuti mapositori havasi kufamba netsvimbo vachitya kusungwa sezvo dzava kuonekwa “sechombo” chinokuvadza mushure mezvakaitika kuBudiriro.

Share This:

Sponsored Links