Uncategorized

Mapurisa 3 vakaponda?

14 Sep, 2018 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAPURISA matatu epakamba yeZimbabwe Republic Police (ZRP) yekwaNyava, kuBindura, ari kuferefetwa nenyaya yekuponda mumwe murume uyo wavanopomerwa kurova achinzi ainge aba nhare yemumwewo munhu.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commisioner Paul Nyathi, vanoti pane mapurisa maviri akatosungwa nekuda kwenyaya iyi vanoti Constable Tendai Jiriyengwe (35) naConstable Prince Moyo (29) uye mumwe wavo wechitatu, Rangarirai Nenzou, anova mupurisa wemumusha kwaSabhuku Masere, achiri kutsvagwa.

“Hatina chatinovanza panyaya iyi, tine nyaya yemapurisa edu maviri anoti Const Jiriyengwe naConst Moyo nemupurisa wedu muPolicon, Rangarirai Nenzou – vose vepakamba yeNyava ZRP, kwaMashambanhaka Base. Vatatu ava vari kupomerwa mhosva yekunzi vakaponda murume ainzi Brian Gavha (21) vachimupomera mhosva yekuti aiva aba nharembozha yemumwe munhu,” vanodaro.

Vanoti semapurisa, vari kushora zvikuru chiitiko ichi.

“Tinoshora zvikuru zvinonzi zvakaitika izvi, hatizvikurudziri kuti mapurisa vanosvika kuita zvinhu zvakadai vari pabasa ravo. Ikoko kutsaudzira basa ravo, vanofanirwa kuita basa vachitevedza gwara nemutemo webasa ravo.

“Tine hurombo zvikuru nezvinonzi zvakaitika izvi uye tinotarisa kuti matare edzimhosva achaita basa rawo,” vanodaro Asst Com Nyathi.

Nyaya iyi inonzi yakatanga apo murume anonzi Admire Madhuviko (21) wepanzvimbo yemabhizinesi yeMashambanhaka akanomhan’ara achiti aiva abirwa nhare yake.

Izvi zvakazoita kuti muchakabvu uyu asungwe nemapurisa aya achifungidzirwa kuti ndiye aiva aba nhare iyi uye pane fungidziro yekuti akazorohwa zvakazomusvitsa pakufa.

Gavha aibva mubhuku raMandizvidza kwakare kwaMashambanhaka, kwaMusana.

Zvinonzi nemusi wa9 Gunyana nenguva dzemasikati, Madhuviko – uyo anozviitira basa rake paLongman Hardware pataundishipi yekwaMashambanhaka – akasiya nhare yake yemhando yeSamsung Galaxy iri pamagetsi ichichaja.

Murume uyu anonzi akabuda ndokuenda kune chimwe chitoro achisiya nhare yake iri mukati apo akazodzoka akasvikoishaya.

Asst Com Nyathi vanoti Gavha mukutsvaga kwaakazoita akawana maheadphones enhare iyi kuna Board Masike uyo akazonongedza muchakabvu uyu achiti ndiye aiva aba nhare iyi uye akamuona achibuda muchitoro umu. Nyaya iyi yakazosvitswa kumapurisa apo mufi akazoendwa naye mumusha waSabhuku Masere uko vasungwa vatatu ava vanonzi vakatanga kuita majana ekumurova vachishandisa button kumagadziko nemukati metsoka nekumutsipa apo Gavha anonzi akabva azofa.

Mapurisa matatu aya anonzi akamboedza kubatsira mufi kuti amuke zvikaramba apo vakazoridzira nhare kukamba huru yeZRP Bindura Rural vachizivisa nezverufu rwaGavha.

Mutumbi wake wakaonekwa uine mavanga uye maoko aine maronda ekusungwa necheni.

Asst Com Nyathi vanoti button yaiva yakareba mita imwe chete yakawanikwa panzvimbo iyi zvinoratidza kuti ndiyo yaairoveswa mufi.

Mutumbi waGavha wakazoendeswa kumochari yechipatara cheBindura District Hospital.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey