Mapurisa asunga vanhu 67 000

17 Jun, 2020 - 22:06 0 Views
Mapurisa asunga vanhu 67 000 Asst Comm Nyathi

Kwayedza

Munyori weKwayedza

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) vanoti vasunga vanhu 67 419 mumwedzi miviri nechidimbu yadarika nemhosva dzekutyora mitemo ine chekuita nekuti veruzhinji vambogara kudzimba (lockdown) senzira yekumisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Vakawanda vevasungwa ava ndeve muHarare, Manicaland neBulawayo.

Mapurisa anoti vazhinji vevanhu vakasungwa nemhosva dzekungofamba-famba nekusapfeka mamasiki.

Vamwewo vakasungirwa mhosva dzine chekuita nekutengesa kana kunwa doro nezvimwe zvinodhaka, kutyora mitemo yemumigwagwa pamwe chete nevaiita mabhizimisi avo vasina magwaro anovatendera kuita izvi uye ruzhinji rwevasungwa ava vakabhadhariswa mafaindi e$500 pamunhu.

Magwaro emapurisa anoratidza kuti muHarare masungwa vanhu 13 554, kuManicaland kune 13 024 kuchiti kuBulawayo kune 12 308.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi vanoti mapurisa ari kusunga vari kutyora mitemo ine chekuita ne”lockdown” uye vacharamba vari mumigwagwa inopinda nekubuda mumaguta nemadhorobha.

Vanoyeuchidza veruzhinji kuti Zimbabwe ichiri padanho rekuti vanhu vagare kudzimba naizvozvo zvakakosha kutevedza zvose zvakananga kurwisa Covid-19.

“Zimbabwe Republic Police inoyeuchidza veruzhinji kuti varambe vachicherechedza zvinokurudzirwa neHurumende pakurwisa Covid-19. Mapurisa nemamwe mapoka ezvekuchengetedzwa kwenyika vava padanho repamusoro panyaya dzekuona kuti mitemo iyi yatevedzwa uye anowanikwa achiityora achasungwa,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanoti vanhu 173 avo vakadzoka muZimbabwe vachibva kunze kwenyika vakatiza kubva munzvimbo dzinochengeterwa vanenge vapinda munyika vasati varegerwa vachisangana neruzhinji asi 30 vacho vakatosungwa pamwe chete ne155 vaidarika muganho wenyika nechikiribidi.

Share This:

Sponsored Links