Precious Manomano
MWAKA uno, Hurumende yakanangana nekurimwa kwemapuroti anosvika 9,5 miriyoni ePfumvudza senzira yekuwedzera goho, kuvandudza kuwanikwa kwemari nevarimi vadiki uye kuti nyika ive nechikafu chinokwanirana.
Kusvika parizvino, varimi vagadzira minda inosvika mapuroti 2,3 miriyoni, izvo zviri kuwedzera nechikamu che29.5 percent muchirongwa chePfumvudza mumwaka uri kutevera kana zvichienzaniswa nenguva imwecheteyo gore rapfuura.
Gurukota rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwemaruwa — Dr Anxious Masuka — nguva pfupi yadarika vakati Hurumende yakanangana nekuti kurimwe mapuroti anosvika 9,5 miriyoni pasi pechirongwa chePfumvudza senzira yekurwisa dambudziko rekusanduka kwemamiriro ekunze pamwe nekusimudzira kuwaniswa kwechikafu.
“Hurumende iri kushanda nesimba mukuona kuti vanhu vane nzira dzekuzviwanisa chikafu uye kusimudzira raramo munyika yose. Tinofanira kuzadzikisa chinangwa chedu chekutsigira kurimwa kwemapuroti 9,5 miriyoni munyika yose kuitira kuti iwane chikafu. Chirongwa ichi chakakosha zvikuru nekuti hachingotibatsira chete kuderedza dambudziko rinokonzerwa nekunaya kwemvura zvisina tsarukano asi kuti chinosimudzirawo varimi vadiki avo vakakosha muchikamu chezvekurima,” vanodaro Dr Masuka.
Varimi vanodarika 1,9 miriyoni munyika yose kusvika parizvino vakadzidziswa kurima pasi pechirongwa chePfumvudza.
Vazhinji vevarimi vanokwanisa kudzokorodza minda yavo kubva mumwaka miviri yadarika, zvichiita kuti varerukirwe nebasa rekuchera makomba.
Munyori mukuru mubazi rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwemaruwa, Professor Obert Jiri, vanoti chirongwa chePfumvudza inzira yakanaka yekusimudzira kudya kwevanhu munyika pamwe nekuwanisa varimi mari nekudaro vanofanira kuchitambira nemaoko maviri.
“Varimi vanofanira kugamuchira chirongwa ichi nekuti chinoita kuti pave negoho uye kuti chikafu chivepo. Vanofanira kuita mamwe mapuroti mvura isati yanaya.
Mwaka uno, Hurumende yakagadzirira panyaya yekugoverwa kwezvekushandisa mukurima pasi pechirongwa chePfumvudza kuti zvienderane nematunhu embesa dzinoita zvakanaka kune varimi. Izvi zvakakosha nekuti zvinoita kuti pave nechikafu,” vanodaro.
Chirongwa chePfumvudza chave kuitwa munyika dzakawanda dzemudunhu reAfrica mushure mekubudirira kwacho zvakanyanya muZimbabwe.
Kunaya kwemvura zvakanaka kuri kutarisirwa neveMeteorological Services Department (MSD) pamwe nekuparurwa kwechirongwa chekupa zvekushandisa kuvarimi, zvichabatsira kuti nyika iwane chikafu chinokwanirana.
Mumwaka uno wezhizha, Hurumende iri kutarisira kurimwa kwemahekita 1,8 miriyoni echibage, 418 000ha dzemhunga, 200 000ha dzemapfunde nezviyo, donje pamwe nekuwedzera kurimwa kwefodya.