Uncategorized

Marara ema’mask’ nezvimwe owanda

21 Sep, 2021 - 15:09 0 Views
Marara ema’mask’ nezvimwe owanda

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VERUZHINJI vanokurudzirwa kuti vachengetedze nharaunda dzavo dzakatsvinda uye kuti vasarasire marara anosanganisira mamasiki kana makondomu avanenge vashandisa pose-pose nechinangwa chekurwisa kupararira kwezvirwere zvakaita seCovid-19.

Kurudziro iyi yakaitwa pachirongwa chevashandi vepaSherwood Golf Club iri kuMabelreign, muguta reHarare, vachishanda nekanzuru yeHarare neveEnvironmental Management Agency (EMA), apo vakabatana nenyika dziri pasi rose mukucherechedza zuva reWorld Clean Up Day.

Mapoka aya akafamba achinhonga marara munharaunda idzo vanodyidzana nadzo nechinangwa chekurwisa kupararira kwezvirwere zvinosanganisira Covid-19.

Marara aya vakaanhonga kwemazuva maviri uye ndokuaendesa kunzvimbo inorasirwa marara yePomona Dumping Site.
VaTakawira Shumbayaonda vanova murongi aiona nezvechirongwa ichi kuSherwood Golf Club vanoti vari kutevedza pari kufamba nemutungamiri wenyika President Mnangagwa mukuona kuti nharaunda dzagara dzakachena nguva dzose.

“Nzvimbo yatinoshandira inosvikwa nevanhu vakawanda uye inowanda marara emabhodhoro edoro anova asingawori. Saka tabatana nevamwe vatsigiri vanosanganisira Upgrade Zim, EMA, kanzuru, TM Pick and Pay nevamwe kuti tichenese nhauranda dzedu.

“Kana nharaunda dzikagara dzakasviba, zvinoita kuti zvive nyore kubatwa nezvirwere zvakaita secholera, dysentery, typhoid nezvimwe. Kana icho chirwere cheCovid-19 chinoramba chichipararira nekuti vanhu vari kurasa zvekare mamasiki avanenge vambopfeka,” vanodaro.

Sichelesile Matshazi

Vanoti pasi pechirongwa ichi, vari kufundisa zvekare veruzhinji kunyanya vanouya pamuzinda wavo kuzotandara nekutamba mitambo yegorofu kuti vabatsire kudzivirira Covid-19 kuburikidza nekusaungana, kupfeka mamasiki nekubaiwa nhomba dzekudzivirira chirwere ichi.

“Tiri vanhu vanoshanda neveruzhinji saka takatodzivirirwawo kuchirwere ichi kuburikidza nekubaiwa majekiseni uye hatina kumwe kurwara kwatakasangana nako mushure mekubaiwa. Ndiko kusaka tiri kukurudzira vamwe kuti vachengetedzeke.

“Tinoda nharaunda yakachena nekuti nyika ino ndeyedu. Vanhu ngatisiyanei netsika yekurasira marara pose-pose tichivimba nekuti kanzuru neEMA ndivo vachauya kuzobvisa, patinozorwara haisi kanzuru inorwara. Veruzhinji vanoda kuwaniswa mashoko azere maringe nekuchengetedza nharaunda,” vanodaro.

Sichelesile Matshazi anoshanda paSherwood Golf Club anoti marara avakasangana nawo mazhinji acho anokonzera zvirwere.

“Tasangana nemakondomu akashanda, mapamba ane tsvina, mamasiki, mabhodhoro uye tsvina yevanhu vasiri kushandisa zvimbuzi. Zvinorwadza kuti muguta muno munova mune zvimbuzi vanhu vachiri kuitira tsvina kuseri kwemakwenzi.

“Makondomu akashanda vana vanonhonga vofuridza vopedzisira vava kurwara kana kudzipwa nawo nekuti pwere dzinenge dzichitofunga kuti mabharuma. Ndapota vanhu vanorasa makondomu pose-pose ivaiwo nemweya wekubereka, utano hwevana neveruzhinji hunokosha.

“Makondomu anopiswa kana kuputirwa mutishu oyeredzwa muzvimbuzi kuti asatambiswe nevana,” vanodaro.
Tecla Bomba anoti kudai veEMA vadzika mitemo yakasimbarara inoranga vanhu vanorasira marara pose-pose.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey