Mararamiro matsva: ICT ndiyo yoshanda

01 Apr, 2022 - 00:04 0 Views
Mararamiro matsva: ICT ndiyo yoshanda

Kwayedza

Leonard Ncube

KUNYUKA kwakaita chirwere cheCovid-19 kunonzi kuri kuona budiriro huru mukushandiswa kwenzira dzechizvino-zvino dzekufambisa mashoko (Information Communication Technologies kana kuti ICT) izvo zviri kubatsira mukusimukira kweupfumi hweZimbabwe.

Hurumende iri kuita zvirongwa zvine chitsama zvekusimudzira kushandiswa kweICT kuburikidza nenzira dzinosanganisira E-government neE-learning.

Kunyuka kwakaita Covid-19 – uko kwakaona nyika ichienda pasi pechirongwa chelockdown munaKurume 2020 – kwakasimudzirawo kushandiswa kwenzira dzemazuva ano mukufambiswa kwemashoko.

Kubvira makore adarika, Hurumende iri kuita chirongwa chekugovera makombiyuta kuzvikoro ichishanda nemakambani akazvimirira nemamwe mapoka.

Izvi zviri kuona kushandiswa kwedandemutande nedzimwe nzira mukudzidza kuburikidza neE-Learning.

Bazi redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kweruzivo rwemichina riri kutsigirawo kushandiswa kweICT nekugadzira michina yechizvino-zvino uyewo senzira yekuzadzikisa chiono cheVision 2030 chekuti upenyu hweveruzhinji hunge hwavandudzwa panosvika gore iri.

Mapoka akasiyana zvakare ari kusimudzira kushandiswa kweICT.

Rimwe remapoka aya ndereComputer Society of Zimbabwe (CSZ), iro riri kusimudzira zvirongwa zvekushandiswa kweICT pamwe nekuti indasitiri iyi inge ichibudirira.

CSZ ine nhengo dzinosanganisira vanamazvikokota vemakombiyuta, vadzidzi, masangano akasiyana nevanhu vakazvimirira avo vane chido nezveICT.

Boka iri, iro rakavambwa muna1974 uye rinocherechedzwa pasi rose, rine mabandiko muBulawayo neHarare.

VaAllen Saruchera, avo vanova mukuru weCSZ, vanoti kunyangwe zvazvo denda reCovid-19 riri kukonzera matambudziko makukutu mukurarama kwevanhu, neimwe nzira riri kubatsira panyaya yekusimudzirwa kwechikamu cheICT.

Vanhu vakawanda muZimbabwe vakatanga kushandisa nzira dzedandemutande kuita misangano panguva yelockdown sezvo veruzhinji vaisabvumidzwa kuungana nekuda kweCovid-19.

“Tiri kuona kusimukira kwekushandiswa kwenzira dzechizvino-zvino dzekufambisa mashoko munyika muno apo masangano nemapoka akasiyana ari kutambira mararamiro matsva avapo ekushandisa dandemutande.

“Makambani nemasangano makuru ari kushandisa ICT zvakanyanya. Izvi ndizvo zvatiri kuona kubva muongororo yatinoita pamwe chete nemumisangano uye hurukuro seindasitiri,” vanodaro VaSaruchera.

CSZ inoshanda pamwe chete nebazi reposvo nedzinhare mukuona kuti zvirongwa zveHurumende zviri pamusoro peICT zvingafambiswe sei kuitira kuti pave nebudiriro inoonekera.

“Hurumende yange iine hurongwa hwekusimbaradza kushandiswa kwemichina yechizvino-zvino mukufambiswa kwemashoko nezvimwe uye chirwere cheCovid-19 chabatsira mukuzadzikiswa kwehurongwa uhu nekukasika,” vanodaro VaSaruchera.

Vanoti zvisinei nebudiriro iripo, kushandiswa kweICT kuri kuitawo kuti pave nenjodzi yakakura sezvo vamwe vachishandisa dandemutande mune zvakaipa sekubira vanhu mari nekutumira mifananidzo yevanhu vari musvo.

Izvi, vanodaro VaSaruchera, zvinoreva kuti panofanirwa kuve nemitemo yekasimba inorwisa matambudziko ari kunyuka mukushandiswa kweICT.

Share This:

Sponsored Links