Uncategorized

‘Maresipi’ emupfuhwira

22 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
‘Maresipi’ emupfuhwira Sekuru Guvheya

Kwayedza

‘Iye munhu ngaapfuhwirwe’

Kingstone Mapupu
“MUPFUHWIRA rudo”, anoimba achidaro mushakabvu Oliver “Tuku” Mtukudzi mune kamwe kambo kake.

Asi ichokwadi here kuti mupfuhwira unokuchidzira “moto” werudo?

Zvinonzi kune vamwe vakadyiswa mipfuhwira vakabva vaita mazungairwa kana kuti zvituta kupusa, vamwewo ndokubva vatopanduka zvekusabatika kana kudzoreka.

Vamwewo ndivo vanonzi vanoita zvange zvisingatarisirwe neuya anenge apa mupfuhwira — kufa kana kusanduka vachiita zvimhuka zvisinganzwisisike.

Kwayedza svondo rino inoita tsvakurudzo pamusoro penyaya iyi ndokunzwa mavhu nemarara pamusoro pe”maresipi” emupfuhwira nemashandiro awo.

Vamwe vakataurwa navo vanoti, “Iye munhu ngaadyiswe nekuti kune vamwe varumwe vanonyanya kushusha.”

Nyanzvi munyaya dzezvechivanhu, VaMathius Mudzingwa (60) – zita rebasa vachizivikanwa saSekuru Guvheya, vekuChitungwiza asi kumusha vachibva kwaChirumhanzu – vanoti mipfuhwira iriko uye ine mhando dzakasiyana, mizhinji yacho ichikuvadza.

“Mipfuhwira inoshandiswa nevanhu vose – varume kana vakadzi – madzimai achidyisa varume isu varume tichidyisawo madzimai. Pfungwa dzemunhu dzinoparara nekuda kwekudyiswa mishonga iyi,” vanodaro.

Vanoti kune mimwe mishonga inosanganiswa nemakwati anobviswa pamiti yakarohwa nemheni izvo zvinoita murume kana mukadzi akaudyiswa, akangonzwa izwi reakamupfuhwira bedzi hana yake inorova zvekunge ichatsemuka kuita semheni kana kuti sepfuti.

“Mishonga yemipfuhwira inoshandisa chivhuno kana mupetabere nekuti hapana chaunokwanisa kuramba kana wakadyiswa. Saka muchizoona vamwe vanhu vachisvika pakuzviuraya varambwa neanenge akamupfuhwira.

“Kune miswe yemadzvinyu nezvipotanemadziro inodyiswa vanhu yakasanganiswa nemishonga,” vanodaro Sekuru Guvheya.

Vanoenderera mberi: “Fungai kuti madzimai edu anotidyisa tsvina yekusikarudzi dzavo izvo zvinosanganiswa nemishonga. Ndokusaka muchiona vamwe varume vachigara vakakotsira. Mishonga iyi inosanganiswa nenyungururwa, mukaiona haidi kubuda mudziva rayo zvinova ndizvo zvinoitwa nemurume, haazoda kusiyana nemukadzi akamudyisa.”

Vanoti varume vakadyiswa kunyangwe vakarohwa nevakadzi vavo, havadzosere, kwete nekuti vanokurirwa asi kuti vakapfaviswa nemishonga.

Vanotizve vamwe vanoshandisa mafuta eshato ayo anosanganiswa nemishonga.

“Mipfuhwira iri kushandiswa kunyangwe nevanhu vasina kuroorana nekuda kuti munhu asarambwe chete. Mimwe mishonga inosanganiswawo nemwoyo yehangaiwa nemadororo acho. Pakadai apa munotosiyana nekufa, saka muchiona vamwe vachiguma vave kuurayana,” vanodaro Sekuru Guvheya.

Vanoti mupfuhwira huroyi huri pachena.

“Tinodyiswa tisingazive asi chinodiwa ukaona zvadaro munhu anofanirwa kurutsiswa kuti adzokere paupenyu hwake hwakare,” vanodaro.

Eddie Barber (41) wekwaZvimba — uyo anotyaira makombi — anoti mipfuhwira haina kunaka.

“Vamwe vanoshandisa mipfuhwira asi panopera simba remishonga iyi, dzimba dzinobva dzaparara. Mupfuhwira hakusi kudanana asi kuti huroyi,” anodaro Barber.

Yolanda Zavave (18) anoti mupfuhwira wakanaka nekuti unoita kuti varume vadzikame.

“Ivo varume ngavapfuhwirwe nekuti vanoshungurudza madzimai zvikuru. Mipfuhwira yakaipa ndeiye inopusisa varume, asi wekuti arambe achindida wakanaka zvikuru. Vamwe vanoisirwa mipfuhwira kuti vapfave nekuti vanenge vachigara vachirova madzimai,” anodaro.

Asi VaVincent Kurwakumire (45) vekuNorton vanoti zviri pachena kuti mamwe madzimai anodyisa varume vavo mipfuhwira kuti vadiwe.

“Varume tikadyiswa mipfuhwira tinogumisira taita madununu zvekuti madzimai vanoguma vave kutonga misha kana kutoita zvikomba iwe usina chaunoona. Saka kazhinji mupfuhwira unoita varume madununu, mafuzanene otadza kana kufunga chaiko.

“Chimwewo chikonzero vamwe varume tinonyanya kuita shamwarikadzi kunze zvinokonzera madzimai kudaro nekuda kuchengetedza dzimba dzavo,” vanodaro VaKurwakumire.

Vanoti varume vashoma vane pfungwa dzekupfuhwira madzimai avo.

Kuchiti Tinotenda Chatikobo (24) ane mafungirowo ake sezvo achiti mupfuhwira wakanaka.

“Vamwe varume vanonyanya kuita chipfambi saka dzimwe nguva zvinoita kuti utsvage mupfuhwira nekuti unenge usingade kubiridzirwa mumba,” anodaro.

James Mukazi (25) wekuBudiriro, muHarare anoti mupfuhwira wakanaka nekuti unobatanidza vanhu vakaroorana kuti vawedzere rudo.

“Dai ndaiva nawo, ndaitoisirawo wangu mukadzi kuti mumba medu murambe muine rudo. Mupfuhwira hauna kuipa, dai nyika yose vanhu vakaroorana vapanana mipfuhwira,” anodaro.

Takudzwa James (19) anoti mupfuhwira wakaipa zvikuru nekuti unopusisa varume votadza kushandira mhuri dzavo dzozofa nenzara.

Share This:

Sponsored Links