Uncategorized

MARI YAKABVUTWA NESHIRI

06 Sep, 2019 - 00:09 0 Views
MARI YAKABVUTWA NESHIRI Thomas Gwata

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURUME anoita basa rehukoronyera pamusika mukuru weMbare svondo rapera akasara angoshama muromo apo imwe ye$500 yaainge atengesa marasha yakapupurutswa nemhepo, ndokuenda mudenga umo yakatambirwa neshiri mbiri, dzichibva dzaenda nayo zvachose.

Manenji aya akaitika nemusi weChipiri vamwe vanhu vanotengesa zvakasiyana pamusika uyu vachiona.

VaThomas Gwata (45) – avo vanohodha marasha kunyika yeMozambique vachizoatengesera muno – vanotsinhira nezvenyaya iyi.

“Taiverengerana mari nekasitoma apo ndakatengesa marasha e$500 kwaari asi imwe yemari yakatanga kudonhera pasi. Pakazongoita kamhepo kainge kachamupupuri kadiki apo $5 yakapupurutswa ichienda mudenga.

“Mari iyi yakaramba ichikwira mudenga asi yakananga nekune zvitoro nemusika wemabhazi wekudhara apo ndakaidzingirira ndiri nepasi kwechinhambwe chingasvike mamita zana kana kudarika ndichiedza kuibata ndikatadza.

“Mari iyi yakazongoenda zvachose nepamusoro pezvitoro,” vanodaro VaGwata.

Vanoti pakapupurutswa mari yavo ichienda mudenga, vakasvika pakunge vasisaione asi vamwe vakaona mashiripiti aya ndivo vanoti yakatorwa neshiri mbiri dzichibva dzaenda nayo.

“Zvekuti mari iyi yakatambirwa neshiri mudenga ini handina kuzozviona nekuti ndainge ndavhariridzwa nezvitoro, asi vamwe vanhu ndivo vari kuti vakazviona.”

Joyline Makwasha (24) – uyo anotengesera panzvimbo iyi – anoti chakava chishamiso kutsakatika kwakaita mari iyi.

“Mari iyi yaiita sekunge yakabvutwa mumaoko ababa, ndokuenda mumhepo ichipidiguka-pidiguka. Panguva iyi, paisava nemhepo chaiyo ingataurwe nezvayo, baba ava vakatanga kumhanya vachitevera mari yavo iyo yakaramba ichikwira mudenga, ivo vachitevera mumashure.

“Takazoiona yava nechepamusoro pezvivakwa kudzimara yava kuhutozo mudenga. Ipapo ndipo pakazobva shiri mbiri – imwe nekumabvazuva imwe nekumadokero – ndokusvikoruma mari iyi dzichibva dzaenda zvachose,” anodaro Makwasha. Panzvimbo imwe chete pakatorerwa mari iyi ndipo zvakare pakamboitikira nyaya yemudzimai akateverwa neshiri mushure mekunge atadza kubhadhara mari yekubatsirwa kwaainge aitwa nen’anga mushakabvu Sekuru Charles Makhuyana Ndunge makore adarika.

VaTinei Mushanguri (31), avo vanoshandirawo mumusika weMbare, vanoti ichi chishamiso chavakaona.

“Takazongoona murume anotengesa marasha achimhanyisana nemari yaive mudenga achingoti ‘mari yangu, mari yangu’ kusvikira amira apo akatadza kuibata. Tinonzwa kuti murume uyu anonotora marasha nechikwereti kuMozambique uye zvinonzi ave kuramba kubhadhara marasha aakatora ikoko. Zvava kufungidzirwa kuti zvichida akatumirwa mishonga nemunhu anomuhodhesera marasha,” vanodaro VaMushanguri.

Justine Chawatama (32) anoti nyaya iyi yakakonzera kumbomira kwebasa pamusika uyu apo vanhu vaitarisa masaramusi emari aya.

“Nyaya iyi hapana patingaisiyanise nezvemishonga yechivanhu kana kuti chivanhu chakaitika, murume anotengesa marasha uyu ane zvaanoziva kana kuti wacho akanga atenga marasha ake,” anodaro Chawatama.

Anoti musi uyu kwaisava nemhepo izvo zvakashamisa vazhinji.

VaAntony Mushanga (42) vanotiwo nyaya dzakadai dzinotyisa.

VaChasex Matsikiti (57) vanoti vakazoguma vasisaone mari iyi vave kuona kamutsetse kaye kanopeny’a pamari yave kudenga apo yakazorumwa neshiri mbiri.

“Panyaya iyi pane zviviri zvinogona kuitika, iye muridzi wemarasha anogona kunge akaromba kana kuti wacho akatenga marasha ndiye anoshereketa. Izvi zvinoita kuti titye kushandira pano,” vanodaro.

Kuchitiwo Knowledge Munava (35) anoti akaona mari iyi ichibva mumaoko emurume uyu ichiita sekunge yaibvutwa apo yakabva yananga mudenga.

Faith Kwinjo (35) naCynthia Kwinjo (22) vanotsinhirawo mashura aya vachiti mari iyi yaiita sekunge yaitobhururuka seshiri.

VaWilliam Chikotana (42) vanoti vane fungidziro huru yekuti nyaya iyi ine chekuita nemishonga yechivanhu.

Zvichakadai, VaGwata havana kuda kutaura zvakawanda nekwavanonohodha marasha uye vanoramba nyaya yekuti vakaromba.

Votaura nezvakaitika izvi, Gogo Mamoyo Letwin Manguwo (27) vekuUnit M, kuChitungwiza, vanoti zviri pachena kuti mari iyi yakatorwa nemashiripiti.

“Hatigone kunanga munhu asi tinoti mukati mevanhu vanotengesa panzvimbo iyi pane anoshereketa uyo anoita zvemishonga. Shiri dzakatora mari iyi hadzisi shiri chaidzo asi zvinhu zvakatotumwa. Iye anotengesa marasha uyu anofanirwa kuzvichenesa nekuti chiitiko chakadai hachina kuchena kumunhu,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links