Uncategorized

Mari yeCDF yakangogara

10 Oct, 2020 - 00:10 0 Views
Mari yeCDF  yakangogara Advocate Mudenda

Kwayedza

Tandayi Motsi
MUTAURIRI wedare reNational Assembly, Advocate Jacob Mudenda vanoti vanoshushikana zvikuru kuti nhengo 68 bedzi dzedare iri kubva pa210 ndidzo dzakanyorera kuti dzipihwe mari yekusimudzira matunhu adzo pasi pehomwe yeConstituency Development Fund (CDF) uye imwe yemari iyi inogona kushandiswa mumabasa anosanganisira kurwisa chirwere cheCovid-19.

Vachitaura mudare iri nemusi weChitatu, Adv Mudenda vanoti nhengo 142 dzeNational Assembly hadzina kumboita hanya yekunyorera kuti dzipihwe mari iyi gore rino.

“Vanoremekedzwa nhengo dzedare, ndinonzwa kuti kunyangwe zvazvo tave muchikamu chedu chetatu cheNinth Session, nhengo 68 chete ndidzo dzakanyorera dzichida mari yeConstituency Development Fund muna 2020. Magwaro atinawo anoratidza kuti nhengo 142 hadzina kunyorera kuti dzipihwe mari iyi mugore ra2020, nhengo 67 hadzina kunyorera muna 2019 uye 20 havana kukumbira mari iyi muna 2018,” vanodaro.

Adv Mudenda vanoenderera mberi vachiti, “Ndinozviziva kuti mari iyi handiyo inotarisirwa asi chokwadi ndechekuti inogona kushandiswa mumabasa akanaka ebudiriro kumatunhu amunomirira, zvikuru panguva ino yeCovid-19 apo zvikoro nemakiriniki zviri kuda midziyo yekurwisa chirwere ichi, masanitiser nezvimwe zvigaro.”

Vanokurudzira nhengo dzose dzedare iri dzisati dzanyorera kuti dzipihwe mari iyi kuti dziite izvi nechimbi-chimbi.

“Ndinokurudzira nhengo dzose dzinoremekedzwa vasati vanyorera kuti vanyore vachikumbira mari yavo yeCDF nekukasika,” vanodaro Adv Mudenda.

Vachitaurawo pamusoro penyaya iyi, mumiriri weMbizo mudare iri, VaSettlement Chikwinya vanoti pakaitwa bhajeti kwaishandiswa maUSD$ asi mari iyi yakabhadharwa pachishandiswa maRTG izvo zvakaita kuti iderere pakukosha kwayo.

Vanoti chikumbiro chavo ndechekuti mari iyi ienderane neyepamusika we”auction rate” kuti vakwanise kuita budiriro svinu kumatunhu avo.

Adv Mudenda vanoti zviri kunhengo imwe neimwe yedare iri kuti iite zvirongwa zvebudiriro zvinoenderana nemari yainenge yapihwa.

“Ndange ndichifunga kuti muchashoropodza vamwe venyu vasina kunyorera kuti vawane mari iyi nenguva. Ichi ndicho chinhu chekutanga.

“Nerimwe divi, munoti zvichemo zvenyu hazvisi kugadziriswa, pane kunonoka kwekupihwa kwemari zvichingodaro apo vakawanda venyu vasina hanya yekunyorera kuti vapihwa mari iyi.

“Ibasa renyu kuti muite zvirongwa zvinoenderana nemari yamunenge mapihwa. Panguva yaifanirwa kunge mari iyi yakanyorerwa nezvayo, kana pane zvaivepo panyaya yeCDF sezviri kutaurwa naHon. Chikwinya zvakange zviri kwamuri kuti mugadzurudze zvikumbiro zvenyu kuburikidza nezvamaifanirwa kutumira asi hapana zvakatumirwa,” vanodaro.

Homwe yeCDF yakavambwa makore adarika nechinangwa chekubatsira nhengo dzedare reNational Assembly kuti dziwane mari yekushandisa mumabasa ebudiriro kumatunhu avanomirira.

Mari iyi inopihwa mushure mekuzadzikiswa kwezvinhu zvine chitsama, kusanganisira umboo hunoratidza kuti yakapihwa nguva yadarika yakashandiswa nemazvo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey