Mari yemuno: Mazotigonera

28 Jun, 2019 - 00:06 0 Views

Kwayedza

NEMUSI weMuvhuro svondo rino Hurumende yakatora danho guru rekuti mari yemuno bedzi ndiyo ishandiswe pakutenga nekutengeserana zvinhu uye nekuita zvimwe zvose zvinenge zvichida kushandisa mari.

Danho iri rakaona mari yekunze seUS$ iyo yange yave nemakore ichishandiswa muno   ichimira kushandiswa pakutenga nekutengeserana muZimbabwe.

Tinorumbidza zvikuru danho rakatorwa neHurumende iri nekuti rinorerutsira veruzhinji avo vange vaomerwa neupenyu zvichibva pakusevenzeswa kwemari yekunze. Mitengo yezvinhu zvakawanda zvinosanganisira zvekudya, zvipfeko nemimwe midziyo zvose zvange zvave kungotengeswa nemari yekunze – zvikuru maUS$.

Asi, veruzhinji mari dzavo dzemuhoro kumabasa vari kutambiriswa maRTGS$. Mamiriro ezvinhu aya anga aita kuti zvinhu zviite manyama amire nerongo muzvitoro nekuti veruzhinji vange voomerwa vachitadza kutenga zvavanoda sezvekudya.

Vashandi vakawanda vange vave kugara vachingogunun’una vachida kuwedzera mari nevavanoshandira nekuda kwekuti mari iyi yange isisiri kukwana.

Mitengo yezvinhu zvakawanda yange yakwira zvikuru uye hazvaishamisa kuona mutengo wakadai semarita maviri emafuta ekubikisa uri paRTGS$20 mune chimwe chitoro asi kumwewo mafuta mamwe chete aya achiita kana RTGS$35.

Vamwe vezvitoro nevanotengesa zvakasiyana vange voita madiro aJojina chaiwo vachiomesera veruzhinji.

Kune dzimwe nhubu zvakare dzange dzave kutora mukana wekushandiswa kwaiitwa maUS$ aya kuomesera veruzhinji apo mitengo yezvinhu yange yongokwidzwa zuva nezuva nekuda kwekutengeswa kwemaUS$ aya pamukoto.

Pasi rose, hapanai nyika kunze kweUnited States of America inova ndiyo inodhinda maUS$ yakambonyatsodzikama ikabudirira nekushandisa maUS$ mukutenga zvinhu zvinoshandiswa mazuva ose sechingwa nematomatisi. MaUS$ imari inofanirwa kushandiswa pakati penyika dzakasiyana munyaya dzekutengeserana, kwete kuti nyika yakaita seZimbabwe inotora mari yemhando iyi yoishandisa semari yayo vanhu vachitotenga nayo mazai nemadiomasi izvo zvinoshandiswa neveruzhinji mazuva ose.

Zvakakosha kuti Zimbabwe ive nemari yayo chaiyo uye tinovimba kuti vanhu vemunyika muno vadzidza zvakawanda zvichitevera matambudziko makukutu akasanganikwa nawo kuburikidza nekushandiswa kwanga kuchiitwa US$ mukutenga nekutengesa zvinhu.

Hapana munhu ane chido nenyika yake pamwoyo anoramba achichemera kushandisa mari isiri yemunyika make kunze kweavo vange vachishandisa maUS$ mukuomesera veruzhinji kuburikidza nekungokwira kwemitengo yezvinhu zvisina maturo. Zimbabwe ngaishandise mari yemuno muZimbabwe. Mari yayo!

Zvinoita kana vanhu vemuZimbabwe vakaitsigira. Ko kuMozambique vane yavo Metical wani? KuZambia nekuMalawi vari kushandisa yavo Kwacha zvichiita wani? Ko kuSouth Africa Rand riri kuvaitira sei? VekuAngola Kwanza yavo vanoida wani? Kana Pula riri kushanda sei paBotswana pedyo-pedyo nesu apa?

KuTanzania nekuKenya vanaro Shilling ravo kuchiti Ghana haina dambudziko neCedi reko.  Zvino iyo Zimbabwe ndiyo yoga ingada kuramba yakati dzvi kubatirira paUS$ kuti zvidini?

Tinovimba kuti zvinhu muzvitoro zvichange zvave kuwanikwa nemitengo yakaderera zvichitevera danho ratorwa neHurumende rekuti mari yemuno chete ishandiswe mukutenga nekutengesa muno.

Share This:

Sponsored Links