Maroja orwira chimbuzi

10 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Maroja orwira chimbuzi

Kwayedza

Courtney Munodawafa

NYAYA yemajana (duty) ekuchenesa pamba pakati pemhuri mbiri dzinoroja pamwe chete mumusha weHighfield, muHarare, yakonzeresa bongozozo iro rakaita kuti vapedzisire vaendesana kumatare edzimhosva. Priscilla Zhou akamhan’arira Tatenda Pfumo kuHarare Civil Court achikumbira gwaro rerunyararo.

Mutongi Noah Gwatidzo akarasa chikumbiro chaZhou achiti nyaya yavari kunetserana haina musoro.

Zhou anoti anoroja pamba pamwe chete naPfumo nemhuri yake asi anogara achimushungurudza.

“Murume uyu anogara patinogarawo uye tinoshandisa kitchen nechimbuzi chimwe chete. Baba ivava vanogara vachindishaudha, vakangodhakwa bedzi vanonditukirira.

“Vanoburitsa zvinhu zvangu zvinenge zviri mukitchen vachikanda panze, handizive kuti sei vachidaro. Ndakambomhan’ara kumapurisa takagadziriswa asi vatanga futi,” anodaro Zhou. Anoti haachakwanisa kuita majanha ekuchenesa pavanogara sekugeza muchimbuzi nekuda kwekufurufushwa naPfumo.

“Handichatoite duty nekuti vanongoramba vachindipopotera. Vanogara vachitaura mashoko ekuti isusu tiri vauyi saka hatina zvatinotaura. Vanenge vachiti vakakurira pamba patiri kugara saka hatifaniri kuvatonga,” anodaro.

Pfumo anopokana nechikumbiro chaZhou achiti iye nemhuri yake vanogara murunyararo.

“Togarisana zvakanaka, handivashaise rugare ini, handisati ndambovatuka kana kubata midziyo yavo. Nyaya yemaduty ndiyo iri kunetsa kumba asi vanotaurirana nemukadzi wangu.

“Havadi kuita duty. Mukadzi wangu ndakatomuudza kuti asiyane nezvekutaura angoita duty akanyarara. Muchivaona ipapo havadi kudira mvura muchimbuzi. Mwana wavo akapinda havatombotevera kuti vaone kuti asiya makachena here. Murume wavo ukamuti adire mvura anobva ati ari kumhanya. Ndinotoshaya kuti maitiro akadii iwayo,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links