Uncategorized

Maroja otemwa nesadza

03 Apr, 2020 - 00:04 0 Views
Maroja otemwa nesadza Imba inonzi yakapatwa nemaroja mushure mekutemwa nesadza rinopisa rinobva mumhepo.

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MHURI dzinoroja pane imwe imba iri mumusha weKatanga, kuNorton, dzinonzi dziri kuoneswa ndondo nekutemwa nesadza rinopisa iro risingaonekwe anoripotsera.

Kana zvakakwidza, vanhu ava vanodashurwa kurohwa nematombo kana nemupinyi webadza asi pasina munhu anoonekwa achiita izvi.

Vamwe vevanhu ava vatopata pamusha uyu vachitiza kushungurudzwa kwavari kuitwa.

Iri ndiro dambudziko riri kusangana nevanhu vanogara panhamba 4059 Katanga apo vamwe vakatotiza vachisiya midziyo yavo.

Pamba apa panogara maroja chete.

Imba iyi ine dzimba nomwe uye varidzi vayo vanonzi vane imwe imba muNorton mekare.

Pakasvika Kwayedza pamba apa, yakawana vamwe vagari vepo vachinzi vakatiza uye paingova nevana chete avo vaitobikira panze.

“Amai nababa nevamwe havapo pano, hamheno kwavaenda. Tiri toga zvedu hamheno kuti vanodzoka rinhi,” anodaro mumwe wevana ava.

Alletta Denhere (35), uyo anova muvakidzani wepamba pari kuitika mashiripiti aya — uyo akawanikwa ari pamba apa — anotsinhira nyaya yekutemwa kwemaroja nesadza rinopisa uyewo nematombo.

“Ini ndangogarawo pano pavharanda zvangu, vanogara pano havapo uyewo varidzi vemba havagare pano. Ichokwadi, idambudziko riripo pamba pano.

“Vanhu vari kutemwa nesadza nematombo zvinobva mumhepo vachirikitwa nemupinyi usina kubatwa nemunhu. Vamwe vakatotiza, paigara maroja mashanu nemhuri dzavo,” anodaro Denhere.

Anoti vanotonzwa vanhu ava vachizhamba kuchema vachiti vanotemwa nematombo nesadza rinopisa zvekutopotsa vasvapuka makanda.

“Nyaya iyi yava nemasvondo mana ichiitika. Kunyangwe vanhu vanodarika nemugwagwa vanotemwa nesadza iri, zvikuru vana vanobva pachikoro cheSt Erics vanotodarika pano vachitiza,” anodaro Denhere.

Pavanhu vaigarapo dzinove mhuri shanu, zvinonzi kwangosara nhatu chete mushure mekunge vamwe vapfochomeswa nemanenji aya.

Kunze kwekutemwa nesadza nematombo, pamba apa panonzi panongoerekana pave kuonekwa chiutsi chakasviba sechemoto wesango asi pasina chinoonekwa chichitsva.

“Nekuda kwedambudziko iri, vanhu vepamba apa vanotiza vachinorara kumamana uko vamwe vavo vanonzi vanoteverwa nezvinhu izvi izvo zvave kukonzera kuti vanhu vatye kuvatambira kudzimba dzavo,” anodaro Denhere.

Vamwe vanhu vanogara padzimba dziri pedyo nemba iyi vakaramba kutaura neKwayedza vachiti vanotyira kuzoingwa nemashura aya kudzimba dzavo.

“Ini handina zvandinoziva, nyaya dzepamba apa handidzizive taurai nevepo vacho. Inyaya inotyisa iyi,” anodaro mumwe mudzimai wechikuru uyo akasvikirwa nevatori venhau achidiridza muriwo mubindu rake. Grace Mhofu Jamu (42) anogara munzvimbo iyi anoti akanzwa mumwe mudzimai achiridza mhere achibuda muimba iri pamba apa achiti aitemwa nematombo nekupiswa nebota resadza.

“Amai ivavo ndakanzwa vachizhamba vachiti vairohwa nezvinhu zvavaisaona nezvibhakera nembama uyewo nematombo ainaya mumusoro mavo apo vaidirwa mabota anopisa. Vakatadza kana kundimhoresa iniwo ndikazotiza. Ndakatoonawo matombo achingodonha pedyo neni,” anodaro Mhofu.

Kanzura weWard 11, VaTino Mafusire, vanonzi vakambobvakachira mhuri idzi kuti vanzwisise kuti dambudziko nderei.

“Dzimwe nguva vanhu ava vanoti vanoona mupinyi webadza wakangosimudzwa mudenga, wotanga kuvarova asi pasina munhu anenge akaubata. Vamwe vanotokuvara,” anodaro Mhofu.

Vopa mafungiro avo nezviri kuitika izvi, Sekuru Elisha Mutanga vemuHarare vanoti, “Panogona kunge paine chikwambo. Vanhukadzi vanogarapo kana vakabvunzisiswa vanogona kunge vari kuitwa madzimai nevarume vavasingaone.”

Kuchiti Mbuya Sarah Pfidze vekuChipinge vanotsinhirawo vachiti aya mabasa anokonzerwa nekuromba mishonga yakaipa.

“Izvi zvikwambo, zvakangofanana nemisha yamunonzwa ichingobvira moto yoga,” vanodaro. Dr Ibrahim Jumah vekuTynwald North muguta reHarare vanotiwo mashiripiti epamusha uyu anogona kunge achikonzerwa netokoloshi kana zvidhoma.

“Nyaya dzakadai dzinofambirana netokoloshi, chidhoma kana sandawana,” vanodaro Dr Ibrahim.

Share This:

Sponsored Links