Maruva anosekerera seane muromo

23 Aug, 2019 - 00:08 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA
WATI wambozviitawo here kuti unoti uchifamba munzira yausati wambofamba, wobva wanzwa sekuti wakambofamba nenzira iyoyo? Inogona kunge isiri nzira, asi unogona kuti uchitaura nemumwe munhu, wobva wanzwa sekuti wakamboita nguva yawakataura nemunhu iyeye, muri panzvimbo iyoyo.

Kune pfungwa dzinenge makonzo anobuda munzvimbo dzakahwanda dzaanogara achitevera kuri kunzi nemhuno dzawo kune chekudya.

Dziriko ndangariro dzinokugarisa pazvigaro zvinoyera, zvigaro zvehumambo dzichikupfekedza mbatya dzevatongi.

Kune ndangariro dzinokudyisa chingwa chisina kubikwa nevanhu, chingwa chinenge mana yaidonha kubva kudenga.

Dziriko ndangariro dzinokuvinga dzichiita sedziri kuda kukukwidza pabhiza ramambo. Neniwo ndine pfungwa dziri kundigara matunduru. Pfungwa idzodzo ndedzenguva dzakadarika.

Ndinokokorodza ndangariro idzodzo semufudzi ari kukokorodza mombe kana zuva rave kunogara makomo.

Ndiri kutsvaga pekubuda napo muzviitiko zvenguva ino ndidzokere munguva dzakare idzodzo. Ndiri kuda kupinda munyika inomera huswa hwakasvibirira, nemaruva anosekerera seane muromo. Ndiri kuda kuti kana ndapinda munyika iyoyo, ndigodya chingwa chinonhuhwirira zvekuputitsa mapaipi epfungwa.

Asi ndichitsvaga musiwo wekupinda munyika yandiri kuda iyi, ndinonzwa vana vachiita ruzha vachiti, “Magetsi adzokaaaaa!”

Vazhinji vedu tave kukanganwa zvinhu zvakawanda nekuda kwekufamba kwenguva.

Tave kutokanganwa kuti pane dutumupengo rakasiya hungwandangwanda nehungondongondo kuChimanimani. Tave kukanganwa kuti kwaimbove naNehanda naKaguvi, Chitepo naTongogara, Rex Nhongo naSimon Chimbetu. Nguva inoita kuti tikoshiwe nyangwe muKorekore Oliver Tuku uye wekuKasimbwi.

Zviitiko zvinenge Cyclone Idai, zvinenge hondo yeChimurenga nemagamba, zvinenge nyanzvi dzekushaura dzatakanga tinadzo dzinenge Chimbetu naTuku zvinotipa ndangariro.

Kune vakafira muCyclone Idai, kune vakaenda kuhondo vasina kuwoneka vabereki uye havana kudzoka.

Chimbetu naTuku vakataura nyaya dzenyika yavo nedzevanhu vavo.

Tuku akati, “Mhandu yakanga yatambarara ikaisa muswe nekoko, ikafumura zvinoyera.” Chimbetu akati, “Kuguta kwamaita uku, pane asipo . . .”

Hakasi kekutanga kuti nyika yedu isangane nematambudziko. Chandinoziva ndechekuti nekufamba kwenguva tichakanganwa sekukanganwa kwatakaita zvinhu zvizhinji zvakaitika.

Nguva dzematambudziko dzinouya. Habhakuki akachema kuna Mwari akati, “Sei muchiita kuti ndione kusaruramisira? Sei muchirega zvakaipa zvichingoitwa? Kuparadza nekuita nechisimba zviri pamberi pangu; pane kukakavara, uye kurwa kuri kuwanda.”

Pamwe pacho Habhakuki akatongesa Mwari akati, “Meso enyu akachena zvekuti haangatarisi zvakaipa; hamungatenderi zvakaipa. Sei zvino muchitendera vanyengeri? Ko, munonyararirei kana vakaipa vachimedza vanovapfuura mukururama?”

Habhakuki haana kuvanza kuti nguva dzenhamo nematambudziko dzichavepo zvinhu zvisati zvazonaka.

Paanozopedza nyaya yake, Habhakuki anenge otaura zvekurasikirwa kwatinogona kuitwa nezvinhu zvenyika ino – mombe, mari, mota, dzimba, mabasa, zvataidya zvinonaka nezvimwewo. Asi chakakosha pazvinhu zvese zviri kutaurwa naHabhakuki izwi rekuti kunyange.

Anoti, “Kunyange dai muonde ukasatunga maruva, uye mizambiringa ikashayiwa zvibereko, kunyange kubereka kwomuorivhi kukakona, uye minda ikasabereka zvokudya, kunyange dai kukasava namakwai muchirugu uye mombe dzikashayikwa mumatanga, kunyange zvakadaro, ndichafara muna Jehovha, ndichava nomufaro muna Mwari Muponesi wangu.”

Nesuwo tinoita sei kana tasangana nenguva dzakaoma?

Tinoita sei kana tafirwa nemudikani kana kusangana neCyclone inotiparadzira dzimba, kana kushaya chingwa? Habhakuki anotikurudzira kuti tisarambe Mwari, asi tirambire munyasha nekuvimba naye. Nekuti kubva kare, kana nanhasi nekusingaperi vanovimba naMwari havarasiswe.

Share This:

Sponsored Links