Uncategorized

Masaga 13 azere nyama musango

02 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
Masaga 13 azere nyama musango Richard Timbe

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MBAVHA nhatu idzo dzakaba mombe ndokudziuraya, nyama yacho ndokupakira mumasaga 13 ema50kgs kwaChivero, kuMhondoro, dzakazobatikidzwa nevanhu vemumusha apo motokari yavo yakaponja vhiri zvikaita kuti mumwe chete wavo abatwe, vamwe vaviri ndokutiza.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Assistant Inspector Ian Kohwera, vanoti Richard Timbe (47) – uyo anogara panhamba 16 Little Avenue kuQueensdale, muHarare, ndiye akabatwa vamwe vake vaviri ndokutiza vachisiya masaga azere nyama.

“Tine nyaya yatiri kuferefeta yevarume vatatu vakawanikwa vaine masaga 13 ema50kgs aiva azere nyama yemombe yaiva mumotokari yerudzi rweElgrand nhema ine nhamba dzinoti ADD 4642. Motokari iyi yakabatwa nevanhu vemumusha kuma6 mangwanani pachiteshi chemabhazi cheMarowa, kwaChivero, kuMhondoro.

“Mumwe chete wevarume ava akabatwa uye akachengetedzwa nemapurisa nyaya iyi ichiferefetwa,” vanodaro Asst Insp Kohwera.

Nyaya iyi inonzi yakaitika nemusi wa19 Gumiguru apo vanhu vanofungidzirwa kuti imbavha dzemombe vakafirwa nemotokari yavo mumugwagwa unobva kwaMubayira uchidarika nekwaNyamweda kuenda kuHarare.

VaSteven Chimatira (40) vanonzi vaibva kubasa kwavanorinda pachikoro cheMarowa Primary apo vakaona varume vatatu ava vachigadzira vhiri remota raiva raponja uye vamwe vevarume ava vanonzi vaitakura masaga aiva azere nyama vachinoaviga muchuru.

“Murume uyu akazomhanyira kwaSabhuku Zimucha ndokunoshevedza vamwe vanosanganisira Madzibaba Elwin Bindu, Sam Chigariro, Nyasha Chatambarara naClifford Chimatira. Vakazodzoka ndokukomba vanhu ava apo vaviri vakatiza, mumwe chete ndokubatwa,” vanodaro Asst Insp Kohwera.

Nyaya iyi yakabva yamhan’arwa kukamba yeZRP Nyamweda nyama nemotokari ndokuendeswa kumapurisa.

Timbe ari kubatsirana nemapurisa mukuferefetwa kwenyaya iyi achimirira kupinda mudare redzimhosva nenyaya yaari kupomerwa yekuba mombe.

Masaga enyama aive akavigwa musango

Mukuferefetwa kuri kuitwa nemapurisa, zvakaonekwa kuti kune vanhu vana vaiva vabirwa mombe nhanhatu munzvimbo iyi idzo dzinokosha $4 100 dzikanourairwa murwizi rwaNyaviye, ikoko kwaChivero.

Asst Insp Kohwera vanoti mudunhu raMambo Mashayamombe, kuMhondoro kwakare, nguva pfupi yadarika kwakasungwa zvakare murume anonzi Tawanda Justin (46) anobva mubhuku raChinamaringa nemhosva yekuba mombe ina.

Mota inonzi yaive yakatakura masaga enyama yemombe dzakabiwa.

“Mapurisa eZRP akasunga Tawanda Justin nemhosva yaari kupomerwa yekuba mombe ina dzaChamunorwa Mutizwa wemubhuku raMatsvaire uye mombe idzi dzose dzakawanikwa. Tinotenda vanhu vekuMhondoro nekushanda zvakanaka kwavari kuita nemapurisa asi tinoti vasarove vanhu vanofungidzirwa kuti makororo vavanenge vabata,” vanodaro.

Asst Insp Kohwera vanokumbirawo kune veruzhinji vane ruzivo nezvembavha dziri kuba mombe kuti vazivise mapurisa ari pedyo navo.

Asst Insp Kohwera

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey