Masamba asiyana . . . Mapurisa voda tsamba ‘svinu’

27 Jul, 2020 - 17:07 0 Views
Masamba asiyana . . . Mapurisa voda  tsamba ‘svinu’ Asst Comm Nyathi

Kwayedza

 Freeman Razemba

MAPURISA ave kuda magwaro ane tsanangudza dzakadzama kubva kuvanhu vanofamba kusanganisira tsamba yakasainwa nachamangwiza kana general mananger wekambani nechinangwa chekuti vari kuenda kumabasa akakosha kana kuti vemabhizimisi anotenderwa vakwanise kudarika pasina zvimhingamipinyi.

Danho iri riri kutorwa senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Zimbabwe pari zvino yave nevanhu 2 512 vawanikwa vaine Covid-19 mushure mekunge vavhenekwa.

Pavanhu ivava, 518 vavo vakatonaya asi vamwe 34 vakafa.

Kunyangwe zvazvo pasati pave nemutemo unotaura pamusoro pekudarika kunofanirwa kuitwa nevanhu pamapurisa, mapurisa ange achitambira tsamba kubva kuvashandirwi seumboo hwekuti munhu anoshanda basa rakakosha.

Zvisinei, mapurisa ane fungidziro huru yekuti pane dzimwe tsamba dzemanyepo dziri kushandiswa nekudaro vave kuda magwaro anoratidza nhamba dzevashandirwi uye nenguva inoshanda munhu kuti atenderwe kupfuura pamugwagwa.

Mapurisa ane basa rekuona kuti mitemo yose iripo pakurwisa kupararira kweCovid-19 yatevedzwa zvizere.

Pakudoma zvinodiwa kuti munhu atenderwe kudarika, mapurisa anoti vatori venhau vanotenderwa kudarika vachishandisa magwaro avo ebasa (press card) eZimbabwe Media Commission uye a2019 achiri kushanda.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti kana vatori venhau vakasangana nematambudziko vanofanirwa kutaura nevakuru vemapurisa vekumatunhu kwavanenge vari kana kuti vekumuzinda wePolice General Headquarters.

Kune vanoshanda muchikamu chezveutano, vanodaro, vanofanirwa kupfeka mayunifomu vaine zvitupa uye vasina yunifomu vanosungirwa kuve nematsamba ekubasa kwavo. Nhare dzachamangwiza wekwavanoshandira dzinofanira kuve dziri pamatsamba aya.

“Kumakambani nemamwe masangano, vashandi vanofanirwa kuve netsamba kubva kuna chief executive officer kana general manager, ichiratidza nzvimbo, mazuva nenguva mushandi dzaanofanirwa kuve ari pabasa uye nepaange asiri. Nhamba dzenhare dzachief executive officer dzinofanira kunge dziri patsamba idzi,” vanodaro.

Asst Comm Nyathi vanoti kune vanoshanda muHurumende kana mamwe mapazi ari pasi payo, vanofanirwa kuve namagwaro anobva kune vari pamusoro pavo semadirector zvichikwira.

Varimi vakuru vanosungirwa kuve nematsamba anoratidza kuti varimi (offer letter kana lease agreement) uye netsamba inobva kumapurisa emunzvimbo yavo.

Varimi vekumaruwa vanofanirwa kuve nematsamba anobva kuna sabhuku kana sadunhu uye neimwe yekumapurisa emunzvimbo yavanogara ichitsanangura basa ravari kuda kuita, zuva nenzvimbo yacho.

Kune vanenge vachida kuenda kurufu, panofanirwa kuve neburial order inoendeswa kumapurisa zvinozoita kuti panyorwe matsamba anovatendera kufamba.

Mapurisa ari kuyeuchidza veruzhinji kuti havatenderwe kufamba pakati penguva dza6pm kusvika 6am senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Share This:

Sponsored Links