Mashandiro anoita jekiseni re’booster’

18 Jan, 2022 - 13:01 0 Views
Mashandiro anoita jekiseni re’booster’ Nyanzvi dzezveutano dzinoti nhomba yechitatu yekudzivirira Covid-19 inokodzera kubaiwa vanhu kuti vange vakadziviririka zvichitevera kunyuka kwedenda iri kechina (fourth wave).

Kwayedza

Ray Bande naTandayi Motsi

NYANZVI dzezveutano dzinoti nhomba yechitatu yekudzivirira chirwere cheCovid-19 inokodzera kubaiwa vanhu uye yakakosha sezvo ichibatsira kuti vange vakadziviririka zvichitevera kunyuka kwedenda iri kechina (fourth wave).

Dr Tendai Zuze, avo vane mukurumbira munyaya dzezveutano kwaMutare, vanoti jekiseni rechitatu rakakosha kana pachitariswa kuti munhu paanobaiwa rechipiri uye panozopera mwedzi mitanhatu, masoja emuviri wake anenge adzikira simba rekurwisa denda iri.

“Nhomba yechitatu yakakosha zvikuru. Munhu paanobaiwa, masoja emuviri anorwisa zvirwere haakwanise kuzviita kwemwedzi inodarika mitanhatu. Zvazvinoreva ndezvekuti mushure memwedzi mitanhatu, munhu akabaiwa nhomba akangofanana neasina kumbobvira abaiwa.

“Saka nhomba yechitatu iyi inoita kuti kana munhu akaibaiwa, inobatsira masoja emuviri mukurwisa zvirwere. Uku ndiko kukosha kwenhomba iyi kune veruzhinji,” vanodaro Dr Zuze.

Munyori mukuru mubazi rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Jasper Chimedza, vanoti vanhu vanokwanisa kubaiwa nhomba yechitatu mushure memwedzi mitanhatu vabaiwa yechipiri.

Vanoti pakubaiwa nhomba yechitatu, vanhu vanobaiwa mhando imwe chete yemushonga wavanenge vakabaiwa pekutanga nepechipiri.

“Hapazi kuzove nekusanganiswa kwemishonga yenhomba, panofanirwa kuti pave nemwedzi inosvika mitanhatu pakati pekubaiwa nhomba yechipiri neyechitatu.

“Nhomba yechitatu iyi ichanyorwa pakadhi rimwe chete rakanyorwa yekutanga neyechipiri,” vanodaro Dr Chimedza.

Ongororo yakaitwa neKwayedza kumatunhu anosanganisira Mutare neHarare inoratidza kuti pari zvino hakusisina mitsetse yevanhu vanenge vachida kubaiwa jekiseni rekutanga kana rechipiri, kusiyana nakare apo kwaiita mitsetse yakareba yevaida kubaiwa.

Kusvika nemusi weChishanu chadarika, vanhu 225 637 vange vawanikwa vaine chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa kubvira pakatanga denda iri munaKurume 2020 muZimbabwe.

Pavarwere ava, 204 993 vakatopona asi vamwe 5 238 vakafa.

Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 4 199 215 vange vabaiwa nhomba yekutanga, (1st dose) yekudzivirira denda iri apo vamwe 3 224 564 vange vabaiwa dzose dziri mbiri – yekutanga neyechipiri (2nd dose).

Hurumende yeZimbabwe ine chinangwa chekubaya chikamu che60 percent kana kuti vanhu 10 miriyoni pavanhu vose vari munyika muno kuitira kuti pange paine dziviriro kubva kuCovid-19.

Zviratidzo zvechirwere ichi zvinosanganisira kutemwa nemusoro, kushaya simba mumuviri, kusanzwa munhuwi, kukosora, kusafema zvakanaka, kurwadziwa muchipfuva, manyoka nekurwadziwa nemusana.

Veruzhinji vanokurudzirwa kuti vaende kukiriniki kana kuchipatara nekukasika kana vachinge vaine zviratidzo zvakarerekera kuCovid-19 kuitira kuti vavhenekwe uye kubatsirwa nguva ichiripo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey