Uncategorized

Mashura rudzii akadai? . Anoshandiswa nemunhukadzi waasingazive . Achinanzvwa nekupindwa nenyoka mudumbu

10 Aug, 2022 - 17:08 0 Views
Mashura rudzii akadai?  . Anoshandiswa nemunhukadzi waasingazive . Achinanzvwa nekupindwa nenyoka mudumbu Pereni Guyo

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME anogara mumusha weHighfield, muguta reHarare anoti akatiza muimba yake yekurara nekuda kwekuona nyoka inomuvinga ichimunanzva nekumupinda mudumbu make.

Anotiwo anoona munhukadzi achiuya achisvikomubata chibharo masikati kana dai husiku izvo zvakonzera kuti adzidziuke mazironda kusikarudzi yake.
Pereni Guyo (45), uyo anogara panhamba 5174 New Canaan nehanzvadzi yake nevana, panova pamba pevabereki vake avo vakashaya, anoti dambudziko rake rakatanga achishanda kuSouth Africa apo airota achishereketa nemunhukadzi waasingazive.

“Ndairota ndiine mudzimai wandisingazive apo aindishandisa semurume wake. Ndakazomera bundu pahudyu pedyo nesikarudzi yangu ndokuenda kuchipatara uko ndakapihwa mapiritsi nekuvhenekwa,” anodaro Guyo.
Murume uyu anoti pakutanga, akafunga kuti aiva nenjovhera ndokudzokera kuchipatara uko akanoongororwa zvikaonekwa kuti aisava nechirwere chepabonde kana gomarara sezvaaifungira.

“Ndiri ikoko kuSouth Africa, ndakatangazve kuona nyoka ichindiingira mumba mandinorara umo yaisvikopinda mumagumbeze yopinda mudumbu mangu. Ndakazodzoka kuno kumusha dambudziko iri rakura, ndiinaro zironda pahudyu uye ndashaya anondirapa.

“Mukadzi wekundiinga ndirere mumba zvose nenyoka inondipinda mudumbu nekundinanzva zvichiri kungondishungurudza nanhasi. Nyoka inonyatsopinda mumuviri mangu neparonda ipapa uye handigone kana kuitiza,” anodaro Guyo achiratidza Kwayedza ronda rave mumutadzisa kana kufamba iri.

Nguva yakareba murume uyu ave kungogara arere apo anoti zvinhu zvemashiripiti izvi zvinomuita madiro.
Anoti akatotiza muimba yake yekurara sezvo ave kurara muimba yekutandarira umo anoteverwa nenyoka iyi pamwe chete nemunhukadzi uye.

“Nekuda kwemukadzi uyu zvose nenyoka iyi, ronda rangu radzika zvakanyanya. Ndaenda kuzvipatara ndichinotariswa kuti chirwere chepabonde here kana kuti igomarara, asi zvose hapana chiri kuonekwa nemachiremba.

“Kudzin’anga nekumaporofita vanoti kune munhu wehukama ari kundishandisira mishonga.”
Murume uyu, uyo ane vana 4 nemuzukuru, anoti akaita madzimai matatu, asi vose vachienda nekudaro ava kugara achizviwachira oga.

“Madzimai vakanditiza vachiti vazvitadza uyewo nekutya nyoka iyi zvose nemudzimai anondibata chibharo uyu.
“Ronda iri rinobuda hurwa nemvura, uye mudumbu mangu munocheka-cheka. Ndinopindwa nemhepo inofamba mudumbu mangu ichibva nekunze,” anodaro.

Guyo anoti kwose kwavanofamba vanotaurirwa kuti kune hama yepadyo inotoda kubviswa shavi rehuroyi huri kukonzera matambudziko ake.
“Tiri kunzi kumusha kwedu kwaMusana kunoda kunobviswa zvinhu kuti dambudziko rangu ripere nerevamwewo nekuti mumhuri medu hapana hugaro hwakanaka. Ndinoda kubatsirwa padambudziko iri kana kuine vanhu vanoti vanozvigona. Ndanzwa,” anodaro Guyo.

Zvichakadai, VaGeorge Kandiyero avo vanova mukuru wesangano redzin’anga reZinatha vanokurudzira Guyo nehama dzake kuti varambe vachifamba kuchivanhu kana kumaporofita kusvikira vabatsirwa padambudziko iri.

Share This:

Sponsored Links