Masimba Edenga vadzoka naNdirangarireiwo Baba

31 May, 2022 - 17:05 0 Views
Masimba Edenga vadzoka naNdirangarireiwo Baba Misheck Mukumire

Kwayedza

Abel Ndooka

CHIKWATA chemusambo wechitendero cheMasimba Edenga Gospel Singers chadzoka zvakare mudariro zvichitevera kubura kwachaita dambarefu rechi11 rinonzi ‘Ndirangarireiwo Baba’.

Chikwata ichi chinozivikanwa nenziyo dzakaita mukurumbira dzinosanganisira Mazambara, Mwari Baba Mune Nyasha Huru, Munoramba muri Mwari, Ebenezer naRangarira.

Group director wechikwata ichi, Misheck Mukumire, anoti vakagadzira mutakunanzva padambarefu idzva iri.

“Tadzoka nemumwe mutakunanzva unonzi Ndirangarireiwo Baba rinove dambarefu redu rechi11 iro takabura pazororo rePasika.

“Kutsikisa madambarefu 11 rwendo rwukuru urwo tinofarira zvikuru nekuti zvinoratidza kuti tiri kuramba tichikura pamweya uye vatsigiri vedu vari kuramba vainesu, ndiko kusaka tisiri kudzokera kumashure.

“Dambarefu iri takaridana kuti Ndirangarireiwo Baba sechikumbiro kunaMwari Musiki wedu kuti atirangarire, agare anesu nguva dzose pazvose zvatinoita muupenyu hwedu – kungave kumabasa, kudzimba, munyika yedu nekwese kwatingave tiri – tinoti tirangarireiwo Mwari,” anodaro Mukumire.

Anoenderera mberi achiti, “Dambarefu iri rizere nenziyo dzinodzidzisa uye dzinokomborera idzo tinoti Jesu Kristu mwanakomana waMwari atirangarire paachamuka.

“Isu nziyo dzedu ndedzekurumbidza Mwari nekumupa mbiri kuti atidzikinure kubva kumatambudziko akasiyana atinosangana nawo mhupenyu hwedu nguva nenguva.

“Saka tine rimwe dambaredu iro takaparura mugore ra2020 pakapisa denda reCovid-19 apo taichema kuti Mwari tidzikinureiwo kubva mudenda rashungurudza nyika yedu.”

Share This:

Sponsored Links