Masimba Edenga yonyaradza vane misodzi pamatama

10 Jan, 2023 - 14:01 0 Views
Masimba Edenga yonyaradza vane misodzi pamatama Masimba Edenga

Kwayedza

Abel Ndooka

CHIKWATA chemusambo wechitendero cheMasimba Edenga chobatana nekambani yeNyaradzo Group izvo zviri kuona chichiimba parufu mukuedza kunyaradza mhuri dzinenge dzichichema.

Svondo radarika Masimba Edenga yaive muHarare kumuzinda weNyaradzo kunochengeterwa vafi vakamirira kutorwa nevemhuri vachiimba nekutandadza mhuri idzi.

Group director weMasimba Edenga – Misheck Mukumire – anoti hukama hwavo nekambani iyi hwakabva kure izvo zvakavaona vachinoimba parufu rwevanhu vaive nemukurumbira vanosanganisira George Shaya, Joe ‘Kode’ Mugabe nemuimbi Zex Manatsa.

“Tine hukama hwakasimba neNyaradzo kubva kare nekuti pese paiitika rufu rwemagamba akasiyana, yaitituma kuti tinonyaradza vanhu nekuimba parufu rwavo izvo zvakationa tichinoimba tichinyaradza vanhu pandufu dzevaimbi kana vatambi venhabvu chaivo.

“Iye zvino tiri kunyaradza vanhu vanenge vauya kuzotora hama dzavo vave kuenda kunovaviga.

Masimba Edenga yakapedzisira kubura dambarefu rechi11 gore radarika rinonzi Rangarira.

Mukumire anoti panguva yeCovid-19, zvinhu zvainge zvakaoma zvichirwadza sezvo vanhu vakawanda vakarasikirwa neupenyu hwavo nekuda kwedenda iri.

“Takapedzisira kuburitsa dambarefu rechi11 gore radarika rinonzi Rangarira iro tinotenda Mwari nekutirangarira nekutikundisa kubva panguva iyo zvinhu zvairwadza zvichikonzereswa nedenda reCovid-19.

“Dambarefu iri rakatambirwa zvikuru uye tinovimbisa vatsigiri vedu kuti ticharamba tichivapakurira dzimwe nziyo dzinonakidza,” anodaro Mukumire.

Masimba Edenga inonyanya kuzivikanwa nenziyo dzinosanganisira Mazambara, Mwari Baba Mune Nyasha Huru, Munoramba Muri Mwari neEbenezer.

Share This:

Sponsored Links