Uncategorized

MaSME ovakirwa pekushandira

24 Nov, 2021 - 09:11 0 Views
MaSME ovakirwa pekushandira

Kwayedza

Zvamaida Murwira

HURUMENDE yaisa padivi mari inosvika $150 miriyoni yekuvaka nzvimbo dzekutengesera dzevemabhizimisi madiki neari pakati nepakati (small to medium enterprises) uye danho iri rinotevera kuparadzwa nekuvharwa kwakaitwa nzvimbo dzisina kukodzera dzinosvika 30 000 mushure mekuonekwa kuti dzaigona kukonzera njodzi yekupararira kwechirwere cheCovid-19.

Pasi pechirongwa ichi – icho chakatotanga kare – makanzuru achapa nzvimbo yekuvakira apo Hurumende nerimwe divi ichapa mari yekushandisa nedonzvo rekuvandudza maSME ayo akakosha zvikuru mubudiriro yenyika ino.

Nzvimbo dzakawanda dzekuitira mabhizimisi dzinogona kuvakwa zvakare kuburikidza nemushandirapamwe wemakambani akazvimirira nevemabhizimisi madiki neari pakati nepakati.

Chirongwa ichi chine chinangwa chekudzoreredza uye kuvandudza maSME zvichitevera kukanganiswa kwaakaitwa nekunyuka kwechirwere cheCovid-19 izvo zvinoenderana nechiono chenyika ino cheVision 2030.

Mutevedzeri wegurukota rezvemadzimai, nharaunda nekusimudzirwa kwemabhizimusi madiki neari pakati nepakati – Cde Jennifer Mhlanga – vakataura zvakadzama pamusoro pechirongwa ichi mudare reNational Assembly nguva pfupi yadarika apo vaitura mashoko avo (Ministerial statement).

Vanoti maringe nehurongwa hweCabinet Committee on Emergency Preparedness and Disaster Management, dare reCabinet rakaona matambudziko ari muchikamu chemaSME ndokuita chisungo chekuti pavakwe nzvimbo dzakakodzera dzekuti vari mumabhizimisi madiki neari pakati nepakati vawane pekushandira.

“Pasi pechirongwa ichi, Hurumende iri kushanda pamwe chete nemakanzuru kuvandudza zvivakwa zvagara zviripo kana kuvaka zvitsva zvichienderana nemhando yebhizimisi richaitwa,” vanodaro Cde Mhlanga.

Vanoenderera mberi vachiti, “Gore rino, bazi rehomwe yenyika rakapa $150 miriyoni yekuvakisa nzvimbo dzekushandira. Bazi redu rakaita zvibvumirano nemakanzuru matatu: Gweru City Council, Chikomba Rural District Council neGwanda Municipality. Hurumende iri kupa mari yekushandisa apo makanzuru ari kupa nzvimbo dzekuvakira nerumwe rutsigirwo rwunosanganisira ruzivo rwezvivakwa.”

Cde Mhlanga vanoti zvakakosha kuti vemabhizimisi madiki neari pakati nepakati vashandire panzvimbo dzakatsvinda.

“Kushomeka kwenzvimbo dzekushandira uye dzisina kukodzera kwaiita kuti pave nenjodzi yekunyuka kwechirwere cheCovid-19 izvo zvakakonzera kuti dzimwe nzvimbo dzemaSME dzivharwe nekuti dzakawanda dzacho dzaive dzisina kurongeka, zvisiri pamutemo, dzakawandisa vanhu uye dziine njodzi maringe nekuchengetedza utano,” vanodaro.

“Misika inotengesera varimi, nzvimbo dzinotengeserwa zvakasiyana-siyana, mamwe mafekitori nenzvimbo dzinogadzirwa zvinhu zvakavharwa apo zvakange zvisiri pamutemo zvakaparadzwa. MaSME anodarika 30 000 nevamwe vanoita mabasa emaoko vakakanganiswa nekuparadzwa kwenzvimbo dzavaishandira izvo zvakaitika kumativi ose enyika.”

Pasi pechirongwa chekusimudzira budiriro yeupfumi hweZimbabwe cheNational Development Strategy 1 (NDS1), kuvandudzwa kwemabhizimisi madiki neari pakati nepakati kwakakosha zvikuru.

Nzvimbo dziri kuvakwa pasi pechirongwa ichi misika nezvivakwa zvemudurikidzwa zvekutengesera zvinhu, pakati pezvimwe.

Dzimwe dzenzvimbo idzi dzinosaganisira Shawasha Grounds Market muguta reHarare apo pachange paine vemaSME vanosvika 120, Emkambo Market Stall kuMakokoba nedzimwe kuBulawayo nekuBindura.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey