MaSoccer star aripi?. . . vamwe votambura, vamwe zviri kufaya

03 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
MaSoccer star aripi?. . . vamwe votambura, vamwe zviri kufaya Denver Mukamba

Kwayedza

Abel Ndooka
KUPERA kwemwaka wega-wega wenhabvu makore ese kunopihwa mubairo weSoccer Star of the Year kumutambi anenge atamba zvinonwisa mvura kudarika vamwe vose.

Vatambi vakagashidzwa mubairo uyu vanosanganisira George Shaya, Shacy Tauro, Moses Chunga, Peter Ndlovu, Wilfried Mugeyi naAgent Sawu uye vamwe vachingobva kuhwina mubairo uyu vakabva vawana mukana wekuenda kunotambira kunze kwenyika.

Asi makore adarika, vamwe vatambi vakahwina mubairo uyu vakakundikana kusvika kure mumutambo uyu.
Mubvunzo unouya pakadai ndewekuti saka vanosarudza mutambi anozogachidzwa mubairo uyu vanovhotera mutambi chaiye here kana kuti kungosarudza wavanenge vachida?

Ongororo kubva mugore ra2010, inotaridza kuti vatambi vanoti Charles Sibanda (2010), Washington Arubi (2011), Denver Mukamba (2012), Tawanda Muparati (2013), Dennis Dauda (2014), Danny Phiri (2015), Hardlife Zvirekwi (2016) naRodwell Chingetere (2017) vakahwina mubairo uyu.

Pavatambi ava, vatatu chete vanoti Arubi, Mukamba naPhiri ndivo vakakwanisa kutengwa nezvikwata zvekuSouth Africa, asi Mukamba akadzoka mushure mekanguva kadiki.
Charles Sibanda (2010)

Rodwell Chnyengetere

Sibanda akahwina mubairo uyu ari kuMotor Action mugore iro chikwata ichi chakahwina mukombe wePremier Soccer League chichirairidzwa naJoey Antipas. Akabva kuchikwata ichi ndokuenda kuFC Platinum uko akatambira kubva mugore ra2011 kusvika 2014 ndokuzobva achienda kuHighlanders kwaakatambira kwegore rimwe chete. Akazobva zvakare achienda kuHow Mine uko akazobva ndokudzokera kuFC Platinum kwaari kutambira mwaka uno.
Washington Arubi (2011)

Mushure mekutamba muchikwata cheDynamos chakahwina mukombe wePSL mugore ra2011, Arubi achingohwina mubairo weSoccer Star akabva aenda kuSouth Africa kunotambira chikwata chePretoria University kubva 2012 kusvika 2016. Akazobva kuchikwata ichi achienda kuStellenbosch iyo inokwikwidza muNational 1st Division kuSouth Africa.
Denver Mukamba (2012)

Zvakawanda zvaitarisirwa kubva kuna ‘Mundikumbuke’ – sezita remadunhurirwa raMukamba – uyo akasvika pakumbogadzwa kuitwa kaputeni wemaWarriors asi kubva paakahwina mubairo weSoccer Star of the Year mugore ra2012 ndipo pakaita kunge pakatangira kudzikira kwake. Akabva kuDynamos ndokuenda kuBidvest Wits yekuSouth Africa asi haana kuitambira kakawanda sezvo akabva aendeswa kuUniversity of Pretoria nechikwereti uko kwaakakwanisa kutamba mitambo 20 chete.

Achibva kuUniversity of Pretoria kwaakaenda nechikwereti, akabva atengwa neJomo Cosmos uko kwaakatamba mitambo 14 chete asi kondirakiti yake yakabva yapera izvo zvakazoona mutambi uyu achidzoka kumusha kuDeMbare kuzorairidzwa naLloyd Mutasa.

Kudzoka kwake kwaitarisirwa kunge kuchimubatsira kusvika padanho raaive panguva yaakatengwa neWits asi zvakaramba izvo zvakaona asisadiwe muchikwata cheDeMbare naLloyd Mutasa zvekuti mutambi uyu akamboendeswa kuCAPS UNITED nechikwereti asi akadzingwa zvakare ikoko nekuda kwehunhu hwake zvakaona achidzokera kuDeMbare nechikwereti.
Tinashe ‘Father’ Nengomasha uyo akatamba naMukamba muchikwata chimwe kuWits anoti akamboedza kurairira mutambi uyu vachitamba vese kuti azive zvebasa rake kwete kuswera achiita zvekudhakwa chete izvo zvave kumukanganisira matambiro ake.

Tawanda Muparati

Tawanda Muparati (2013)

Muparati akahwina mubairo uyu pamberi pevatambi vanoti Kudakwashe Mahachi naSilas Songani uye vatambi ava vakabva vaenda kunotambira nhabvu yavo kunze kwenyika. Songani ari kutambira kuEurope kuDenmark kozoti Mahachi akatengwa neMamelodi Sundowns yekuSouth Africa, akazobva kuchikwata ichi ndokuenda kuGolden Arrows uye mwaka uno akatengwa neOrlando Pirates inove imwe yezvikwata zvikuru muSouth Africa.

Asi zvakabva zvasiyana naMuparati uyo iye zvino asiri kuzivikanwa kuti ari kutambira kupi kubva zvaakabva kuDynamos achienda kuHow Mine.

Dennis Dauda

Dennis Dauda (2014)
Dauda akatamba nhabvu inonwisa mvura gore iro ZPC Kariba yakapotsa padiki kuhwina mukombe weCastle Premiership uyo wakazobvutwa neDynamos pazuva rekupedzisira. Gore iri ndiro raakabva ahwina mubairo weSoccer Star of the Year uye aidiwa nechikwata cheGabala chekuAzerbaijani icho chaida kumutenga asi mutambi uyu haana kutamba nhabvu yakafadza paakamboshevedzwa kumatrials.

Kubva paaidiwa nechikwata ichi, hapana kuzombouyazve chimwe chekunze chakarakidza kuda kumutenga iye ndokuzobva kuZPC achienda kuCAPS UNITED. Akatambira CAPS UNITED ndokuzombodzingwa kuchikwata ichi achienda kuYadah Stars asi akangotamba kwekanguva kadiki ndokudzokera zvakare kuCAPS UNITED.

Svondo rino, Dauda akaudza Kwayedza kuti haasi kurasa tariro, nguva yake ichakwana kuti aende kunotambira kunze kwenyika rimwe zuva.

“Handirase tariro nguva yangu ichakwana zvayo rimwe zuva, ndichatengwa chete. Ndichiri kushanda nesimba semazuva ese uye ndicharamba ndichishanda nesimba,” anodaro Dauda.

Danny Phiri

Danny Phiri (2015)
Chicken Inn payakahwina mukombe wePSL mugore ra2015 ‘Deco’ – sezita eremadunhurirwa raPhiri — aitamba nhabvu yainwisa mvura muchikwata ichi uye achingobva kuhwina mubairo uyu akabva atengwa neLacamotive Golden Arrows yekuSouth Africa iyo yaachiri kutambira nanhasi. Mwaka wadarika, ndiye mumwe wevatambi vechikwata ichi vakatamba mitambo yakawanda sezvo akakwanisa kutamba mitambo 25 ndokunwisa kaviri.

Hardlife Zvirekwi

Hardlife Zvirekwi (2016)
Kaputeni weCAPS UNITED uyu akasumudza mukombe weSoccer Star of the Year mugore iro akatungamirira chikwata chake kuhwina mukombe wePSL uyo wavainge vane makore vasingazive kuuona.

Zvedi zvaikodzera kuti Zvirekwi ahwiniswe mukombe uyu nematambiro ake aaita asi mutambi uyu mukana wekunotambira kunze wakaramba kuuya uye nanhasi achiri kutambira CAPS UNITED.

Kutanga kwegore rino, mutambi uyu akaita tsaona iyo yakaona achidamburwa ruoko rwake.
Asi anoti tsaona iyi haisi kuzomutadzisa kuramba achishanda nesimba kuti atambe nhabvu.

“Zvese zvandinoita ndinoshanda nesimba kuti ndirambe ndichitamba nhabvu yepamusoro uye ndichitambira chikwata changu nenyika yangu,” anodaro Zvirekwi.
Rodwell Chinyengetere (2017)

King Amla sezita raChinyengetere remadunhurirwa aifunga kuti pake pamuperera mugore ra2011 apo akatyoka gumbo achitambira Hwange ndokupedza makore asingatambe nhabvu nekuda kwekukuvara kwaakaita. Asi mutambi uyu akaramba achishanda nesimba kusvika adzoka ndokuzotengwa neFC Platinum uye gore radarika akatamba zvinonwisa mvura izvo zvakamuona achisarudzwa kuve Soccer Star of the Year.

Svondo rino, Kwayedza yakaedza kukurukura nemutambi uyu uyo akangoti, “Ndiri kumhanya kunoita gadziriro mukoma kuti tirambe tiri shasha dzePSL.”

Share This:

Sponsored Links