Masope odzidziswa mabhindauko

0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SANGANO rinomiririra vanhu vane husope reZimbabwe Albino Association svondo rapera rakaita zvidzidzo zvemazuva matatu muguta reHarare richidzidzisa nhengo dzaro dzevechidiki mafambisirwo emabhizimusi nenzira inopa pundutso panguva ino nyika iri kurwisana nechirwere cheCovid-19.

Kudakwashe Machiha anova murongi kusangano iri anoti chirongwa ichi vakachiita nedonzvo rekuti vechidiki ava vakwanise kuwana raramo.

“Munguva yatiri yechirwere cheCovid-19, vanhu vane husope vazhinji vanoita mabasa ekutengesa mumisika nekuti vazhinji vavo havana kukwanisa kuendeera mberi nedzidzo yavo nekuda kwekushaya uye kusaona zvakanaka muzvikoro. Saka dzidziso yatiri kuvapa iyi ichavabatsira kuti vakwanise kuzvivambira mabhizimusi avo akanyoreswa zviri pamutemo kana kunoshandawo mumakambani akati tsvetere kuti vave vanhu vanozvimiririra,” anodaro.

Anoti mumakambani mazhinji zvakaonekwa kuti vanhu vane husope havasi kuwaniswa mabasa nekuda kwematambudziko akasiyana anosanganisira maziso anoonera padyo uye izvi zvimwe chete nemuzvikoro apo vanokundikana kubudirira muzvidzidzo zvavo sezvo vachida nguva yakakwana uye varairidzi vane mwoyo mirefu.

Machiha anoti vari kushanda nevechidiki vemuHarare neChitungwiza pasi pechirongwa cheCarrier Management vachitsigirwa nebhengi reStandard Chartered Bank, bazi rezveutano nekurerwa kwevana kuburikidza neSekuru Kaguvi Hospital, Council for the Blind Mission nemamwe mapoka akasiyana.

“Tiripo pakusimudzira mabasa avo kana nzira dzavo dzaisivabatsira kuti vararame kuti vangabatsirikana sei kuti varambe vari mubhizimusi. Chirongwa ichi, takachiparura gore rapera mumwedzi waMbudzi chinodaidzwa kunzi ‘Employment Opportunities for Youth With Albinism Through Compressive Low Vision Service,'” anodaro.

Machiha anoti vechidiki vari kubatsirikana zvakare nemabhindauko anosanganisira kurima zvakasiyana, kuchengeta huku nembudzi pamwe chete nemombe.

“Tinoshuvira kuti kudai chirongwa ichi chaenderera mberi chichipinda mune mamwe matunhu, zvikuru sei kumaruwa kunova kune vamwe vane husope asi vasina hunyanzvi hwemabasa akasiyana nezvikwanisiro,” anodaro Machiha.

Anoti kutanga svondo rino, vechidiki ava vachapihwa mari yezvikwereti yekuita mabhindauko akasiyana.

“Kumbomira kushanda kwakamboita vanhu munguva ye’lockdown’ iyo yakavapo senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid -19, kwakaona vazhinji vaiita mabasa ekutengesa vava kumbogara mudzimba. Dambudziko rekushaikwa kwemafuta ekutanda zuva (sunscreen lotions) ndiro guru, zvikuru sei munguva ino yezuva uye vamwe vedu vatova nezvirwere zvegomarara zvakomba,” anodaro.

Share This: