MaSpringboks ovimba naEtzebeth

17 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
MaSpringboks ovimba naEtzebeth Rassie Erasmus

Kwayedza

MUTAMBI werugby wekuSouth Africa, Eben Etzebeth, ari kutarisirwa kutamba mutambo wake wekutanga achitambira nyika yake kubva zvaakapedzisira mwedzi 10 yadarika apo maSpringboks achatamba mumakwikwi eRugby Championship neArgentina kuKing’s Park musi weMugovera.

Murairidzi wemaSpringboks, Rassie Erasmus, akazivisa kuti kaputeni wegore radarika uyu akatenderwa nanachiremba kuti atambe uye anogona kutamba awa rekutanga apo vari kusangana nemaPuma.

Etzebeth akange ambomira kutamba zvichitevera  kukuvara kwaakange aita ruoko rwake uye nemusana.

“Utano hwake ndihwo hune nyaya nekudaro ndosaka tisiri kuzomuona achitamba maminitsi anodarika 60 svondo rino,” Erasmus anodaro.

“Tichangotambira matsamba kubva kunanachiremba vanamazvikokota. Ange achiita gadziriro dzakakwana nesu kubva pakapera mwaka wemaStormers weSuper Rugby, asi tange tichimirira tsamba yeutano hwake chete.

“Ndinoda kutangisa mutambi akaita saye mumutambo uyu pane kumutangisa akagara pabhenji. Kana tikatangisa mumwe mutambi obva akuvara mumaminitsi okutanga, tinochiona chimoto.”

Kudzoka kwaEtzebeth pamwe chete nevamwe vatambi vanosanganisira Wareen Whiteley anotamba paloose-forward nahooker Malcolm Marx kwabatsira kusimbisa chikwata ichi nekuwedzera huwandu hwevatambi vekusarudza.

Chikwata chaErasmus chakakunda England 2-1 pamusha munaChikumi.

“Takakomborerwa kuvatambi vekumberi, nguva yanga yareba tisina vatambi ava pamwe nemahooker chaiyo vakakwana muchikwata. Taive tizere nevepasi chete saka tave kusanganisa vatinavo nevanokwanisa kutisimudzira uye kuhwinisa chikwata chedu,” anodaro Erasmus. — Sportsmail Rugby

Share This:

Sponsored Links