Masvondo maviri anga akaipisisa

26 Jul, 2021 - 15:07 0 Views
Masvondo maviri  anga akaipisisa Dr Mangwiro

Kwayedza

Thandeka Moyo-Ndlovu

VANHU vakawanda vafa neCovid-19 vamwe ndokubatwa nechirwere ichi mumasvondo maviri adarika kana zvichienzaniswa nepachakatanga munaKurume gore rapera zvisinei nechenjedzo iri kuitwa nenyanzvi dzezveutano yekukurudzira veruzhinji kuti vatevedzere matanho ose akatarwa ekurwisa kupararira kwedenda iri.

Vanhu 924 vafa muZimbabwe mumasvondo maviri adarika kana zvichienzaniswa ne900 vakafa neCovid-19 mukati memwedzi gumi yekumashure.

Vanhu vakawanda vakafa muzuva rimwe chete vakashaya nemusi wa16 Chikumi avo vaive 102.

Kubvira pakutanga kwaChikumi, vanhu 57 043 vakabatwa vaine hutachiona hwecoronavirus uhwo hunokonzera chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa muZimbabwe.

Ongororo ichangobva kuitwa nenyanzvi dzezveutano inoratidza kuti vanhu vasina kubaiwa majekiseni ekudzivirira chirwere ichi vanosvika chikamu che90 percent cheavo vari muzvipatara nekuda kwedenda iri uye i88,9 percent yevafa neCovid-19 mumasvondo mashoma adarika.

Kusvika pari zvino, vanhu vanodarika 97 894 vabatwa vaine chirwere ichi munyika muno mushure mekuvhenekwa.

Pavarwere ava, 65 913 vakatopona asi vamwe 3 094 vakafa.

Vanhu vanodarika 2 miriyoni vabaiwa majekiseni ekutanga (1st dose) neechipiri (2nd dose) ekudzivirira chirwere cheCovid-19 muZimbabwe kusvika pari zvino.

Mutevedzeri wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr John Mangwiro, vanokurudzira veruzhinji kuti vabaiwe majekiseni ekudzivirira denda iri kuti nyika ikwanise kuve yakadzivirirwa kubva chirwere ichi (herd immunity).

Zimbabwe yakatambira mamwe majekiseni 1 miriyoni emushonga weSinovac vaccine nemusi weSvondo izvo zvichaona kusimbaradzwa kwechirongwa chekubaiwa kwevanhu nhomba nyika yose.

Nyika ino ine chinangwa chekubaya vanhu vanosvika 10 miriyoni majekiseni aya kuti inge yakadzivirirwa kubva kudenda iri.

Dr Mangwiro vanoti zvisinei nekuwanda kwevanhu vari kufa uye nekubatwa neCovid-19, zvibereko zvekubaiwa kwevanhu majekiseni zvinoonekwa mushure memasvondo mashoma.

“Tinongokurudzira vanhu kuti vaende kunobaiwa majekiseni nehuwandu hwavo uye tinokwanisa kuwana zvibereko mushure memasvondo mashoma apo vanhu vanenge vabaiwa majekiseni epiri. Vanhu vari kunyanya kufa nedenda iri ndeavo vasina kubaiwa uye tinokurudzira nharaunda imwe neimwe kuona kuti vanhu vabaiwa kuitira kuti chirwere ichi chisauraye vakawanda,” vanodaro.

Ongororo yakaitwa neboka reZimbabwe Statistical Agency (Zimstat) nguva pfupi yadarika inoratidza kuti chikamu chevanhu vasiri kuita chitsokotsoko chiri kuramba chichidzikira kusvika pa67 kubva munaChikunguru gore rapera apo chaive pa91 percent.

Izvi zvakaonekwa kwose kumaguta nekumaruwa.

Share This:

Sponsored Links