Matambudziko evadzidzi mumakoreji ofushunurwa

27 Jul, 2022 - 11:07 0 Views
Matambudziko evadzidzi mumakoreji ofushunurwa VaInnocent Chimonyo

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

ONGORORO ichangobva kuitwa nemasangano akazvimirira anoona nezvedzidzo akabatana nemakoreji ari munyika muno inonzi inoratidza kuti panofanirwa kutorwa matanho akasimba ekusimudzira utano hwesikarudzi zvichitevera kunyuka kwezvirwere zvepabonde nepamuviri pasina kurongeka kuvadzidzi.

Izvi zvakabuda pamusangano wakaitwa neEducation Coalition of Zimbabwe (ECOZ) yakabatana nebazi redzidzo yepamusoro, sainzi nekusimudzirwa kweruzivo rwechizvinozvino muHarare munguva pfupi apo paiziviswa nezveongororo iyi.

Tsvakurudzo iyi yakaburitsa zvinhu zvakawanda zvinoda kugadziriswa muzvikamu zvedzidzo kuti muve nebudiriro inoendeka.

Yakaitwa mumakoreji anosanganisira Mary Mount Teachers College, Harare Polytechnic, Belvedere Teachers College, Mutare Polytechnic, Masvingo Polytechnic, Masvingo Teachers College, Kwekwe Polytechinic, Bulawayo Polytechnic, United College of Education neSeke Teachers College.

VaInnocent Chimonyo, avo vanova murongi mukuru kuECOZ vanoti paongororo iyi, zvakaonekwa kuti pachine mikaha inofanirwa kuvharwa kuti nyaya dzedzidzo dzifambire mberi zvakanaka.

“Muzvikoro zvemakoreji munofanira kunge muine kuenzaniswa kwemikana pakati pevarume nevakadzi panhau dzekuwaniswa kwemabasa uye vadzidzi. Utano hwesikarudzi hunoda kutsigirwa zvakanyanya nekuti mumakoreji hamuna makiriniki anobatsira vadzidzi kuti vawane mishonga yekuderedza hukasha kwehutachiona hweHIV nemaAnti-Retroviral Drugs.

Makondomu mumakoreji arimo, asi hapasati pava kuzivikanwa kuti ari kushandiswa nemazvo here sezvo tichiona kunyuka kwezvirwere zvepabonde nepamuviri pasina kurongeka.

“Kureva kuti panogoverwa makondomu muzvikoro paye, panodawo dzidziso maringe nemashandisirwo awo kuti pasazoita matambudziko akafanana neaya,” vanodaro.

VaChimonyo vanoti panyaya yerutsigiro rwemari, vadzidzi vari kuchema-chema nekushaya zvinovakwanira sezvibatiso zvinosanganira dzimba kuti vakwanise kuwana zvikwereti izvo zvinoita kuti vamwe vavo varasikirwe nedzidzo.

“Dzidzo yave kungodhura nekuti mari yacho iri kungokwidzwa ichitevererana nehukoshi hwemari yekunze pamusika mutema, saka vamwe vabereki vanopedzisira vakundikana kubhadharira vana vavo mari dzechikoro. Nokudaro panofanira kuva nehomwe inotsigira vadzidzi vekumakoreji kuti dzidzo yavo iendeke.

“Nyaya yezvekufambisa nepekugara padyo nemakoreji ndiro rimwe dambudziko,” vanodaro.

Engineer Tafadzwa Mudondo vanova principal weHarare Polytechnic College vanoti nyaya dzeutano hwesikarudzi dzakakosha kuvadzidzi vari mudzidzo yepamusoro nekuti ndivo vabereki vemangwana.

“Ongororo iyi takaiita munaChivabvu naChikumi gore rino mumakoreji ari munyika muno tichikurukura nevarapi vemumakoreji, vadzidzi nevakuru vemo, donzvo riri rekuti tione pane mikaha tigopagadzirisa nenguva.

“Taitarisa zvekare nyaya dzekumbunyikidzwa kwevadzidzi nenzira yebonde, mitemo iri mumakoreji maringe nekurwisa HIV neAIDS, kuona kuti makiriniki emuzvikoro akanyoreswa nesangano reHealth Professions Authority of Zimbabwe uye vachibatsirwa nevarapi vakanyoreswa neHurumende.”

Eng Mudondo vanoenderera mberi vachiti, “Vavariro yedu kurwisa kunyuka kwezvirwere zvepabonde, kusimudzira nyaya dzekurera mhuri, kuchecheudzwa, kuvhenekwa HIV, kuendeswa kwevana kusikero nekutariswa kwemadzimai akazvitakura nekurwisa mhirizhonga.”

Vanoti paongororo yavakaitwa, chikamu che80 percent chevadzidzi vakapindura kuti vanoziva chimiro chavo maringe neHIV uye chikamu che58 percent vakabvuma kuti vari kutoita zvepabonde.

Cathrine Makore, anove mudzidzi wepaHarare Polytechnic anoti anoshuvira kuti kudai magwaro eongororo iyi adhindwa kugadzirwa mabhuku oiswa muzvikoro achitomira sechidzidzo kuitira kuti vadzidzi vawane ruzivo.

“Havasi vese vadzidzi vanokwanisa kuwana mikana yekupinda muzvirongwa zvakadai saka mumakoreji mukatova nezvidzidzo zveHIV zvinotonyorwa zama zvinobatsira zvikuru,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links