Matanho ekubaya vanhu 10 miriyoni

18 Nov, 2021 - 15:11 0 Views
Matanho ekubaya vanhu 10 miriyoni Dr Mangwiro

Kwayedza

Tandayi Motsi

BAZI reutano nekurerwa kwevana rave nehurongwa hwakadzama hwekubaya vanhu vanosvika 10 miriyoni majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19 nechinangwa chekuti nyika ino inge yakadziviriwa kubva kudenda iri panopera gore rino.

Magwaro anotumirwa nebazi iri zuva nezuva anotaridza kuti pane hurongwa hwekubaya vanhu vane makore 16 okuberekwa zvichienda kumberi vanosvika 10 066 458 mumapurovhinzi ose enyika.

Bazi iri rine hurongwa hwekubaya vanhu 1 385 126 nhomba muguta reHarare, Bulawayo (495 564), Manicaland (1 121 342), Midlands (1 122 474), Chitungwiza (296 657), Mashonaland Central (1 507 298), Mashonaland East (1 122 185), Mashonaland West (1 096 804), Matabeleland North (495 521), Matabeleland South (456 252) uye Masvingo (967 235).

Pari zvino dunhu reHarare ndiro rine vanhu vakawanda vabaiwa nhomba dzekudzivirira chirwere cheCovid-19 avo vanove 515 102 vabaiwa majekiseni ekutanga (1st dose) ne414 985 echipiri (2nd dose) uye kuchitevera Manicaland iyo ine 503 550 (1st dose) ne363 099 (2nd dose).

Midlands ine vanhu 404 825 vabaiwa majekiseni ekutanga ne286 314 vabaiwa echipiri.

Dunhu reChitungwiza ndiro rine vanhu vashoma vabaiwa nhomba dzekudzivirira Covid-19 avo vanove 87 561 (1st dose) ne54 360 (2nd dose).

Hurumende nguva pfupi yadarika yakatumira chikwata chezveutano kuChitungwiza nedonzvo rekusimbaradza chirongwa chekubaiwa kwevanhu nhomba mushure mekushushikana zvikuru nekushomeka kwehuwandu hwevari kubaiwa kunzvimbo iyi.

Bazi rezveutano nekurerwa kwevana mukutanga kwemwedzi uno rakabvumidza vane makore 16 kusvika 17 okuberekwa kuti vabaiwe nhomba pachishandiswa mushonga weSinovac.

Mutevedzeri wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr John Mangwiro, vanoti Hurumende iri mushishi yekuti pave nenzvimbo dzekubaira vadzidzi majekiseni ekudzivirira Covid-19 muzvikoro nedonzvo rekurerutsira vanokodzera kubaiwa nhomba idzi, avo vane makore 16 kusvika 17 okuberekwa.

“Tiri kuenda muzvikoro, zvingave zvinodzidza vana vachidzokera kumba kana zvebhodhingi. Izvi zvinoita kuti basa redu rireruke tichibatsirwa nevadzidzisi uye tine zvimwe zvikwata zvatove pabasa izvozvi,” vanodaro Dr Mangwiro.

Kusvika nemusi weChitatu svondo rino, vanhu 3 546 966 vange vabaiwa majekiseni ekutanga ekudzivirira chirwere cheCovid-19 apo 2 720 058 vange vabaiwa echipiri kubvira pakatanga chirongwa ichi munaKurume gore rino.

Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 133 557 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera denda iri mushure mekuvhenekwa muZimbabwe.

Pavarwere ava, 128 371 vakatopona asi vamwe 4 699 vakafa.

Share This:

Sponsored Links