Matanho ekuchengetedza mumvee

10 Sep, 2024 - 12:09 0 Views
Matanho ekuchengetedza mumvee Muti wemumvee

Kingstone Mapupu

MASANGANO anomirira machiremba echivanhu munyika muno anorumbidza Hurumende nekuda kwedanho rekuchengetedza miti yesango inonzi inorapa yakaita semumvee nemimwe.

Hurumende yakatora danho rekuchengetedza miti inowanisa mishonga inorapa yakaita semumvee, muwuyu, nemamwe makwenzi nemiti inorapa munyika muno iyo inonzi yaakuparara nekutemwa nevanhu vanoishandisa mukurapa zvirwere zvakasiyana. Nyaya yekuchengetedzwa kemiti inorapa iyi, zvikuru mumvee, yakakurukurwa mudare reParamende svondo rakapera kuchikurudzirwa kuchengetedzwa kwemiti iyi kuti isaparare.

Masangano anomirira machiremba echivanhu anosanganisa reZimbabwe National Practioners Association (ZINPA) iro rinotungamirirwa naBishop Cuthbert Nyaruvenda, neZimbabwe National Traditional Healers Association (ZINATHA) rinotungamirirwa naVaGeorge Kandiyero, anotenda Hurumende nekutora danho rekuchengetedza miti inokosha iyi.

“Tinotenda Hurumende nekutora danho iri rekuchengetedza miti yedu yakatikoshera zvikuru pakurapa zvirwere. Semumvee une basa guru mukurapa zvirwere zvisinei kuti vamwe vanongofunga uripo pakukudza vanhurume chete, unorapa zvirwere zvakawandisa kubvira kumalaria chaiyo, flue, BP, kutsurungwa pamoyo yatinoti heart burn, kurapa maronda, iantibiotic yakasimba,” vanodaro Bishop Nyaruvenda.

Bishop Nyaruvenda

Vanoti muti uyu wapera nekutemwa kunzvimbo dzakasiyana zvekuti wave kutyirwa kuparara kwawo.

“Zvivana zvemuti uyu zvinorapa zvinhu zvakawanda zvinoita kuti vanhurume vazvitemere pamiviri yavo sekuzvisimbisa uyewo madzimai vanonwa muto wacho, makwati acho nemidzi uyewo nemashizha zvinoshanda zvinhu zvakasiyana. Tine muwuyu zvakare waakuparara nemimwe miti yakasiyana nemaruva emusango nemakwenzi,” vanodaro Bishop Nyaruvenda.

VaGeorge Kandiyero veZINATHA vanotsinhira mashoko aya vachirumbidza Hurumende nedanho iri.

“Hurongwa hweHurumende hwekudzivirira nekuchengetedza miti yedu inorapa tinohutenda zvikuru, mumvee muti wakakosha zvikuru pautanho hwedu senyika, tine muwuyu nemimwe ngaichengetedzwe nekuti kune vamwe venyika dzemhiri vari kuuya muno vachitora miti iyi isu tosara tisina. Tine mutowa, muwunze, mufufu, mupfura, nemimwe yakakosha,” vanodaro.

VaGeorge Kandiyero

Bazi reForestry Commission rinonzi rakatotanga kuita tsvakurudzo nekuda kwekuparadzwa kuri kuitwa muti wemumvee nemimwe.

“Zvakadai, isu seZINATHA, tiri kudzidzisa machiremba edu, maporofita nevamwe varapi varipasi pesangano redu kuti vasateme muti wemumvee vachiparadza kana mimwe yakaita semuwuyu. Donzvo redu seZINATHA kuchengetedza masango, nekuti akapera hatiwane mimwe miti yekurapisa varwere vedu,” vanodaro VaKandiyero.

Vanoti zvivana zvemuti wemumvee zvinodyiwa nemombe nedzimwe mhuka zvichirapa zvakare mhuka nevanhu kubva kuzvirwere.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey

×

ZTN Feedback Survey

ZTN

Scan the QR code on the poster or click the link below to share your thoughts.

Take Survey