Matanho ekudzinga Covid muzvikoro

16 Sep, 2021 - 16:09 0 Views
Matanho ekudzinga  Covid muzvikoro VaTaungana Ndoro

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

BAZI redzidzo yepuraimari nesekondari riri kusimbaradza matanho ekurwisa chirwere cheCovid-19 muzvikoro zvichitevera nyaya dze264 vana, varairidzi nevamwe vashandi vemuzvikoro vakabatwa nedenda iri kubvira pavhurwa zvikoro nguva pfupi yadarika.

Vakawanikwa vaine chirwere ichi vakaiswa kunzvimbo dzave voga uko vari kurapirwa senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Zvikoro zvine vana nevarairidzi vakabatwa vaine Covid-19 zvinosanganisira zvemabhodhingi zviri pasi peLutheran Church kuMberengwa zvinoti Masase High, Chegato High neMnene High.

KuMasvingo, chirwere ichi chakabata zvakare vadzidzi, varairidzi nevamwe vashandi vanosvika 68 vepazvikoro zvina.

Anoona nezvekuburitswa kwemashoko kubazi redzidzo yepuraimari nesekondari, VaTaungana Ndoro, vanoti vane fungidziro huru yekuti vana vazhinji vari kurwara neCovid-19 vakatobva nechirwere ichi kunharaunda dzavanogara.

“Chirwere cheCovid-19 chizere munharaunda dzatinogara nekudaro chava kubuda pachena apo vana vava muzvikoro nekuti mune nyanzvi dzesainzi idzo tiri kushanda nadzo mukuvheneka vana kudziya kwemuviri nekuvakurudzira kuti vataure kana vasiri kunzwa zvakanaka.

“Izvi zvinoratidza kuti munharaunda matigere umu munogona kunge muine vanhu vakawanda vari kurwara neCovid-19 asi vasiri kuita hanya nekunovhenekwa nekudaro danho ratiri kuita muzvikoro riri kubatsira zvekare bazi rezveutano nekurerwa kwevana kuti rikwanise kuronda nzvimbo dziri kubva nechirwere ichi,” vanodaro.

VaNdoro vanoti bazi ravo nevamwe vatsigiri vakapa zvikoro michina yekuvheneka kudziya kwemuviri kuvana, varairidzi nevamwe vashandi vemuzvikoro kusanganisira vashanyi uye masanitizer ekushambidza maoko.

“Muzvikoro zvose mune vaongorori vanopota vachipinda vachiona kuti matanho ose akatarwa nesangano reWorld Health Organisation (WHO) mukurwisa Covid-19 ari kutevedzwa here. Kana vana vakavhenekwa muzvikoro, vaye vanenge vaonekwa kuti vane Covid-19 vanotsaurwa voiswa kwavo voga kuti vasaparadzira chirwere kune vamwe, kusanganisira varairidzi vacho.

“Pari zvino takavaka makirasi matsva 1 000 munyika yose kuitira kuti vana vasaungane nekuti ndizvo zvinokonzera kupararira kwechirwere ichi. Mabasa ekuvaka mamwe makirasi ari kuenderera mberi nekuti takatoona kuti mune zvimwe zvikoro vana vakawanda zvekudarika huwandu hunotarisirwa pachikoro chimwe nechimwe.”

Panyaya dzekunyozera pamabasa uko kunonzi kuri kuitwa nevamwe vadzidzisi, VaNdoro vanoti vakuru vezvikoro pamwe nevanoona nezvevarairidzi (teacher- in-charge) uye vaongorori vemuzvikoro (District Schools Inspectors) vanofanira kuisa misoro pamwe chete vaone kuti dambudziko iri rapedzwa.

“Ichokwadi, kune vamwe varairidzi nhinhi vari kuenda kuchikoro kunotengesa maputi, zvihwitsi nezvimwe zvinhu zvinova zvisingatenderwe pazvikoro nekuti vanenge vachitodya nguva yebasa. Asi pari zvino chikamu che92 percent chevarairidzi vari kuenda kubasa kuchizoti 8 percent vasiri kuenda vanogona kunge vari pamazuva avo ezororo,” vanodaro.

VaNdoro vanoti muzvikoro umo vana vari kuita zvijana zvekunofunda kaviri pasvondo ndezviya zvine vana vakawanda kudarika huwandu hunotarisirwa pachikoro.

“Hazvisi zvose zvikoro zvine vana vari kuita zvijana zvekufunda, vamwe vari kutoenda zuva nezuva kubva Muvhuro kusvika Mugovera, zvikuru avo vari kugadzirira kunyora bvunzo. Asi zvimwe zvikoro zvine vana vanotosvika kuma2 000 vari kuita zvijana izvozvo nekuti hazvitenderwe kuti vana vafunde vakawanda munguva ino yechirwere cheCovid-19. Ndiko kusaka tiri kutora matanho ekuvaka mamwe makirasi,” vanodaro VaNdoro.

Share This:

Sponsored Links