Matanho ekudzivirira Covid-19 muzvikoro

07 May, 2021 - 18:05 0 Views
Matanho ekudzivirira  Covid-19 muzvikoro Sen Mutsvangwa

Kwayedza

Tandayi Motsi

HURUMENDE inoti nechinangwa chekudzivirira Covid-19 muzvikoro, pane zvikwata zvekumatunhu akasiyana enyika zvinodaidzwa kuti Provincial Education and Health Focal Teams izvo zvakadzidziswa pamusoro pezvinofanirwa kuitwa kumisa kupararira kwechirwere ichi.

Vachitaura kuvatori venhau nemusi weChipiri mushure memusangano wedare reCabinet muguta reHarare, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Senator Monica Mutsvangwa, vanoti dunhu rimwe nerimwe rine hurongwa hwekurwisa denda iri muzvikoro.

“Nyika inoziviswa kuti zvikwata zvemaProvincial Education and Health Focal Teams zvakawaniswa dzidziso izere pamusoro pezvinofanirwa kuitwa panyaya yekudzivirira kupararira kweCovid-19 muzvikoro. Dunhu rimwe nerimwe rine hurongwa hwekudzivirira kupararira kwedenda iri paine mushandirapamwe nenharaunda (Infection Prevention and Control, Surveillance, Risk Communication and Community Engagement),” vanodaro.

Sen Mutsvangwa vanoenderera mberi vachiti, “Zvinotarisirwa kuti kutevedzwa kwemitemo yemashandiro anofanirwa kuitwa yeStandard Operating Procedures (SOPs) kuchasimbaradzwa nechinangwa chekudzivirira kunyuka kwechirwere ichi muzvikoro.”

Vanoti nyaya itsva 126 dzevakawanikwa vaine chirwere cheCovid-19 muzvikoro dzakabuda svondo rapera.

“Pavanhu ava, pane vamwe 77 vepaSacred Heart Primary School kuMatabeleland South, 46 vepaGeorge Silundika High School kuMatabeleland North nevatatu vepaThornhill High School kuMidlands. Cabinet inoda kusimbisisa kuti vadzidzi vepabhodhingi vanenge vawanikwa vaine chirwere cheCovid-19 vanofanirwa kumbochengeterwa panzvimbo pavo voga kuzvikoro zvavo uye havafanirwe kuendeswa kudzimba dzavo.

“Cabinet inosimbisisa zvakare kuti zvikoro zvose zvinofanirwa kutevedzera zvizere mitemo yakatarwa yekudzivirira Covid-19 uye vose vachawanikwa vachityora mitemo iyi vacharangwa,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey