Uncategorized

Matanho ekupfudza muchato

07 Sep, 2018 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Isabel Palasida

DZIMWE dzenguva vanhukadzi vanogona kugara vari muwanano iyo vanenge vasina kusununguka kuve mairi.

Vanenge vachitya kutanga nyaya dzekupfudza muchato kana kurambana nekuda kwezvimwe zvinhu zvinodyidzanidzwa nenyaya dzerudzi urwu.

Vanhukadzi vanenge vari muwanano isina chimuko kana kuti ine kumbunyikidzwa havadi kutanga ivo kutora matanho ekuti pange paine kurambana nekutya zvipomerwa, zvikuru apo nyaya iyi ikazoita seinovatsitsirira kana kuti zvinhu zvikazofamba nenzira yavanenge vasina kutarisira.

Nerimwewo divi, avo vane zvavanenge vakakanganisa muwanano yavo nekuda kwezvikonzero zvakasiyana, vanotya kuenda kumatare edzimhosva nekuda kwekuti vanenge vachizvipa mhosva.

Mafungiro avo anenge akarerekera pakuzvipa mhosva nekuda kwekutadza kwavanenge vakaita.

Kubva kare kusvika mugore ra1985, mitemo yemunyika muno yaiwanzorerekera kunyaya dzekuti ane mhosva ndiani kuti muchato unge uchiparara asi izvi zvakasanduka.

Matare haachatarisa kuti akonzera kuparara kwemuchato ndiani.

Mutemo weMatrimonial Causes Act (Chapter 5:13) unodoma zvikonzero zvinoita kuti muchato unge uchipfudzwa.

Pane zvikonzero zvinopihwa pasi pemutemo uyu zvinoti kana pasisina tarisiro yekuti muchato ungaumbiridzwe zvakare pamwe nekurwara nechirwere chepfungwa chisingarapike kwemumwe ari muwawano kana kuti kusazvipira muwanano yacho.

Zvisinei, mutemo uyu hautsanangure zvizere kuti kana zvichinzi “hapasisina tarisiro yekuti muchato ungaumbiridzwe” zvinomborevei kunze kwekupa mienzaniso iyo inoita kuti dare ringe richizopa mutongo wekupfudza muchato.

Matare ane simba zvakare rekupa mutongo wekuti mukadzi nemurume vari muwanano vambosiyana (separation) pachimirirwa kuti pozopihwa mutongo wekupedzisira wekuti vodzokerana here kana kuti vorambana.

Izvi zvinoitwa pachidanho chinozivikanwa nekuti Pre-Trial Conference.

Dzimwe nyaya dzinokurukurwa padanho iri dzinosanganisira kuti ndiani anezenge achichengeta vana kana murume nemukadzi vazorambana, nyaya dzekupanana mendenenzi nekugoverana kwemidziyo.

Nyaya dzerudzi urwu ndidzo dzinoita kuti nguva inotorwa nevanhu vanenge vachida kurambana kumatare irebe.

Zvisinei, nyaya dzemendenenzi nekugovewa kwemidziyo takambokurukura nezvadzo muzvinyora zvedu zvakadarika.

Kana murume nemukadzi vachinge varambana, kodzero yekuchengeta vana inogona kupihwa kune mumwe wavo.

Zvinogona kuitika, asi kashoma muZimbabwe kuti murume nemukadzi vose vapihwe kodzero dzekuchengeta vana vavo mushure mekurambana.

Kana dare richipa mutongo wekuti ndiani anopihwa kodzero yekuchengeta vana, rinotarisa bedzi zvinenge zvakanakira vana vacho kwete zvakafanana nekuti ndiani ainyanya kuvabatsira apo baba naamai vavo vakange vachiri muwanano.

Kune vamwewo panguva yakadai vanoti ngana aiita zvechipfambi nekudaro hazviite kuti apihwe kodzero yekuchengeta vana, asi matare haatarise izvozvo.

Muchidimbu, tingangoti dare haritarise nyaya dzekupomerana mhosva pakati pemudzimai nemurume vanenge vachida kurambana kuti rikwanise kuzopa mutongo wekuti achapihwa kodzero dzekuchengeta vana ndiani pakati pavo.

Kunyangwe nyaya dzekurambana dzichiita sedzinonetsa, vanhukadzi havafanire kunzwa kuzvipa mhosva kana vaona vari muwanano yavasina kusunguka nekuenda kumatare kuti muchato unge uchipfudzwa.

Vanofanira kutanga ivo kufambira nyaya yekurambana kumatare pasina kutya nekuti hapana anozovapomera mhosva kunyangwe vaine zvavanenge vakatadza munguva yewanano.

 

Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva munogona kutibata padandemutande rinoti [email protected], kufona panhamba dzehotline dzinoti 0782 900 900 kana dzetoll-free 08080131. Munogona zvakare kutibata paWhatsApp inoti 0777 828 201 tinokupindurai.

 

Share This:

Sponsored Links