Matanho matsva opembedzwa  

23 Jun, 2021 - 10:06 0 Views
Matanho matsva opembedzwa   Huwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine chirwere cheCovid-19 kana vari kufa huri kuramba huchidzikira nekuda kwematanho akasimba ari kutorwa neHurumende ekurwisa kupararira kwechirwere ichi.

Kwayedza

Leonard Ncube ari kuVICTORIA FALLS 

VANAMUZVINHABHIZIMISI vari muchikamu chezvekushanyirwa kwenyika vanoti vanogutsikana kuti matanho matsva ari kutorwa neHurumende ekuedza kumisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 achabatsira kuti vashanyi vave nechivimbo nekuuya munyika muno.

Kunyuka kwedenda iri, iro rakatangira kunyika yeIndia munaZvita 2019 ndokuzotekeshera pasi rose, kwakanganisa zvikuru nyaya dzekusimukira kwehupfumi hwenyika, kunyanya indasitiri yezvekushanyirwa.

Nyika dzepasi rose dzakatora matanho ekurwisa Covid-19 anosanganisira kuti vanhu vambomira kushanya  izvo zvakadzosera kumashure zvikuru indasitiri iyi.

   Izvi zvakaona nyaya dzekushanyirwa kwenyika dzichidzikira uye vamwe vashandi vari muindasitiri iyi vachirasikirwa nemabasa kana kuti vachitambiriswa chidimbu chemari yemuhoro.

Ongororo ichangobva kuitwa nenyanzvi dzemuindasitiri yezvekushanyirwa pasi peUnited Nations World Tourism Organisation (UNWTO) inotaridza kuti nyaya dzekushanyirana dzinogona kusimukira pakati paChivabvu naNyamavhuvhu sezvo vashanyi pasi rose vave nechivimbo chekuti mamiriro ezvinhu maringe nekupararira kwechirwere cheCovid-19 ari kudzikama zvishoma nezvishoma.

Zvisinei, nyaya dzekushanyirana pasi rose dzakadzikira ne83 percent muchikamu chekutanga chegore rino nekuda kwedenda iri.

MuZimbabwe, kubvira masvondo mashoma adarika, pane tariro huru yekusimukira kwechikamu chezvekushanyirwa kwenyika zvichitevera misangano yange ichiitwa nevari muindasitiri iyi, kunyanya kuVictoria Falls apo Hurumende yange isati yatora matanho matsva ekumisa kupararira kweCovid-19.

Matanho matsva aya anorambidza kuungana kwevanhu, kusara kwepandufu apo vanhu vanenge varipo vasingafanirwe kudarika 30, akatanga kushanda nemusi weMuvhuro wadarika.

Pasi pematanho aya, ma”restaurants” haatenderwe kuti vanhu vatenge chikafu vogodyiramo kusara kwekumahotera.

Mabhawa nemanight club hazvisati zvave kutenderwa kuti zvivhurwe apo mabottle stores ari kunzi avhure kubvira na10 mangwanani kusvika 4 masikati uye vezvitoro vari kuvhura kubva na8 mangwani kusvika 6 zuva rodoka.

Guta reVictoria Falls rakasvika pachidanho chekuchengetedzeka panyaya yechirwere cheCovid-19 (herd immunity)  zvichitevera kutangwa kwakaitwa neHurumende chirongwa chekuti veruzhinji vabaiwe majekiseni ekudzivirira denda iri munaKurume gore rino.

Vemuchikamu chezvekushanyirwa kwenyika vanoti ibasa remunhu wose kudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Sachigaro wesangano reHospitality Association of Zimbabwe (HAZ) Matabeleland North Chapter, VaAnald Musonza, vanorumbidza Hurumende nematanho airi kutora ekurwisa Covid-19 munzvimbo dzakasiyana (localised lockdowns).

“Munhu wose haana kunyatsogadzikana nekuti hatidi kudzokera pekare pachirongwa chelockdown. Zvisinei, tinonzwa kusimudzirwa kuti seVictoria Falls tasvika pachidanho chekuchengetedzwa maringe nechirwere ichi uye tiri kutora kukwira kuri kuita nyaya dzevanhu vari kubatwa nedenda iri sechiero chekuti tione kana maitiro edu achinyatsoshanda. SeZimbabwe, tine matanho akasimba maringe nekurwisa Covid-19 ndicho chikonzero chirwere ichi chisiri kunyanya kupararira nekudaro tinotenda vatungamiriri vedu naizvozvo,” vanodaro.

Vanoti Zimbabwe yataridza kuti yakazvipira kudzivirira kupararira kwedenda iri nechinangwa chekuchengetedza hupenyu hwevanhu vari vemunyika muno nevashanyi.

“Tinofara nematanho ari kutorwa ekurwisa denda iri munzvimbo nenzvimbo pane kuti zvinge zvichiitwa nyika yose,” vanodaro VaMusonza.

Share This:

Sponsored Links