Matani 39 000 embeu yechibage otarisirwa

26 Jul, 2019 - 00:07 0 Views
Matani 39 000 embeu  yechibage otarisirwa Makambani anotengesa mbeu yezvirimwa zvakasiyana munyika muno anoti ari kutarisira kubura mbeu yechibage inokwana matani 39 000 ichaendeswa pamusika panguva iyo gadziriro dzekurimwa dzemwaka unotevera dzave kutanga.

Kwayedza

Elita Chikwati
MAKAMBANI anotengesa mbeu yezvirimwa zvakasiyana munyika muno anoti ari kutarisira kubura mbeu yechibage inokwana matani 39 000 ichaendeswa pamusika panguva iyo gadziriro dzekurima dzemwaka unotevera dzave kutanga.

Varimi kazhinji vanoda mbeu yechibage iri pakati pematani 35 000 ne40 000, zvichienderana nekudiwa kwainenge ichiitwa. Mukuru wesangano reZimbabwe Seed Traders Association, VaAmon Mwashaireni, vanoti kurimwa kwembeu yechibage mwaka wadarika kwakakanganiswa zvikuru nekusanduka kwemamiriro ekunze (El-Nino) izvo zvakakonzera kuti mvura inaye iri shoma.

“Indasitiri yezvembeu iri kutarisira matani 39 000 echibage, 9 900t esoya bhinzi, 1, 900t embesa diki, 1,700t esugar beans nematani 950 ecow peas,” vanodaro.

“Zvisinei, vamwe varimi vachiri kukuruza chibage chavo. Yakawanda yembeu iyi haisati yaunzwa nevarimi vedu vemakondirakiti. Parizvino hatisati tave kuziva zvakare kana dura guru renyika reGrain Maketing Board riine imwe mbeu yakasara mwaka wadarika kubva muzvirongwa zveHurumende zvekubatsira varimi nezvekushandisa.”

Share This:

Sponsored Links