Matani 5 000 akaendeswa kuGMB

17 May, 2019 - 00:05 0 Views
Matani 5 000 akaendeswa kuGMB Varimi vakatanga kuendesa chibage chavo kudura guru reGrain Marketing Board uye kubvira kutanga kwemwaka wekutengesa nemusi wa1 Kubvumbi vaendesa matani anosvika 5 000.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
VARIMI vakatanga kuendesa chibage chavo kudura guru reGrain Marketing Board uye kubvira kutanga kwemwaka wekutengesa chirimwa ichi nemusi wa1 Kubvumbi, vaendesa matani anosvika 5 000.

Zvisinei, huwandu hwechibage chiri kuendeswa kuGMB huchakaderera sezvo varimi vazhinji vachiri mushishi yekukohwa uye vamwe vari kuomesa chibage chavo sezvo chichine mwando wakati wandei unoita kuti chisakodzera kuendeswa kumatura.

Varimi vazhinji vanoti zvirimwa zvavo hazvisati zvasvika pachidanho chekuti zvinge zvichikohwehwa sezvo vakanonoka kudyara zvichitevera kunonoka kuturukwa kwemvura yemudenga mwaka uno.

GMB inotambira chibage chinenge chiine mwando uri pachikamu che12,5 percent (moisture content).

Chamangwiza weGMB – VaRockie Mutenha – vanotsinhira kuti varimi vakatotanga kuendesa chibage chavo kudura iri asi huwandu hwacho ndihwo huchiri hushoma.

“Takatambira matani 5 000 echibage kubva kuvarimi uye huwandu hwechibage ichi huchakaderera sezvo chizhinji chacho chichiri kuomeswa nekuti chichine mwando wakawanda. Tiri kutarisira kuti huwandu hwechibage huchawedzera mumwedzi waChivabvu, hatisati tatanga kugamuchira mbesa diki kubva kuvarimi nekuti dzinotora nguva ndefu kuti dzinge dzichioma uye kazhinji kacho varimi vanotanga kuunza chibage,” vanodaro.

Vanoti vari kubhadhara varimi panguva imwechete iyo vanounza chibage kuGMB.

“Varimi avo vari kuunza nhamba dzemaakaundi avo ekubhengi kana EcoCash dzakanyorwa zvakanaka tinovabhadhara panguva yavanongounza chibage chavo kwatiri,” vanodaro.

GMB iri kutenga chibage nembesa diki nemutengo weRTGs $726 patani, gorosi RTGs $1 089, soya bhinzi RTGs $918 kuchizoti donje RTGs $1 850 patani.

Nyika inoda matani anosvika 1,8 miriyoni echibage gore rega-rega kuti chinge chichikwanirana nezvinodiwa.

 

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>