Matemba chirera mhuri

08 Apr, 2021 - 14:04 0 Views
Matemba chirera mhuri Matemba

Kwayedza

MATEMBA muriwo wakakosha zvikuru sezvo tichiwana iron neVitamin D uye anogona kugara kwenguva refu.

Svondo rino Locadia Mapuranga wekuChitungwiza anotitsanangurira mamwe makangirwo ematemba akaomeswa.

Zvinodiwa:
Chikari, poto kana pani, hanyanisi, matomatisi, munyu, mafuta, chipunu nematemba akaomeswa.

Mabikiro:
Tora matemba woanyika mumvura inopisa kwemaminitsi gumi.
Chekerera hanyanisi nematomatisi zvakanaka wogadza pamoto.
Isa mafuta uye kana apisa tora hanyanisi nematomatisi woisa imomo wokanga kusvikira zvanyatsotsvukira.

Tora matemba woisa imomo zvakare wokwidibira zvombokwata kwemaminitsi mashanu.
Raidza usati waisa munyu nekuti matemba ane munyu wakawanda nechekare.Matemba chirera mhuri, ndiwo akabata dzimba zhinji.

Usavi uhu hunokurudzirwa panyaya dzeutano. Anodyiwa nesadza rezviyo, remhunga, remapfunde kana kuti nemupunga uchinwira mvura.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude panhamba dzinoti +263 713 411 281

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey