Matengeserwo efodya matsva

25 Mar, 2021 - 10:03 0 Views
Matengeserwo efodya matsva Dr Matibiri

Kwayedza

Harmony Agere

VANHU vanotengesa zvinhu zvakasiyana vanosanganisira vemaflea markets havazi kuzotenderwa pachavhurwa misika yekutengesa fodya, zvose nevana vane makore ari pasi pe16 okuberekwa nechinangwa chekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Misika yefodya ichavhurwa nemusi wa7 Kubvumbi, apo kutengeswa kwechirimwa ichi kuchatanga zuva rinotevera.

Pasi pemitemo mitsva yakakumikidzwa nekambani yeTobacco Industry and Marketing Board (TIMB), misika yefodya ichavhurwa kubva na6 mangwani kusvika na5 zuva rodoka apo murimi mumwe ndiye achatenderwa mumusika panounzwa fodya.

Vachitaura pamusoro pegadziriro dzekuvhurwa kwemwaka wekutengesa fodya svondo rapera kukomiti yedare reParamende inoona nezvekurima, chamangwiza weTIMB Dr Andrew Matibiri vanoti mapurisa achange achiona kuti hapana vanotyora mitemo yekurwisa kupararira kweCovid-19 kumisika iyi.

“TIMB ichashanda nemapoka ose akakodzera, anosanganisira Zimbabwe Republic Police nevanoona nezvekutongwa kwematunhu mukuona kuti vose vanoita mabasa ekutengesa zvinhu vanosanganisira vemaflea markets havatenderwe kuve pedyo nenharaunda dzemisika iyi,” vanodaro.

“Murimi achaziviswa nguva yaanozotengesa fodya yake paanobhuka uye murimi mumwe kana kuti mumiriri wake ndiye chete achatenderwa kupinda mumusika. Misika yefodya ichatambira chirimwa ichi kubva na6 mangwanani kusvika na5 zuva rodoka, uye marori anotakura fodya anosvika nguva iyi yadarika haatambirwe.”

Dr Matibiri vanoti vanhu vaviri chete, mutyairi nemubatsiri wake, ndivo vachatenderwa zvakare kupinda nefodya mumusika.

Vanoti misika yose yefodya ichange ine panochengeterwa vanenge vabatwa vaine denda reCovid-19 sezvinodiwa pasi pemitemo yebazi rezveutano nekurerwa kwevana.

“Tichange tichidyidzana nevebazi rezveutano nekurerwa kwevana mukuona kuti vanobatwa vaine Covid-19 vanoendeswa kunzvimbo dzinochengeterwa vanhu vakadai mumisika yefodya vanoitwa sei,” vanodaro. 

Dr Matibiri vanoti matanho ose ekudzivirira kupararira kweCovid-19 anosanganisira kufiritwa kwenharaunda dzinotengeserwa chirimwa ichi, kugezwa kwemaoko nekupfekwa kwemamasiki zvichatevedzerwa zvizere.

Vanozivisa zvakare kuti motokari dzose dzichapinda mumisika dzichafiritwa nemushonga wekuuraya hutachiona.

Dr Matibiri vanoti varimi vanokwanisa kutengesa fodya yavo kune mimwe misika isiri muguta reHarare senzira yekuti vasawandise panzvimbo imwe chete.

Mutevedzeri wegurukota rezveminda nekurima, VaVangelis Haritatos, vanoti mitemo yekurwisa Covid-19 ichasimbaradzwa gore rino kumisika yefodya.

“Ndinotsinhira kuti mwaka wekutengeswa kwefodya wa2021 uchavhurwa nemusi wa7 Kubvumbi.

“Gore rapera raive rekudzidza. Tasandura zvishoma mitemo yedu yekurwisa Covid-19 kana tichienzanisa neyegore radarika,” vanodaro.

Mukuru wesangano rinomirira varimi, reZimbabwe Commercial Farmers’ Union, VaShadreck Makombe vanoti kuvhurwa kwemisika yefodya kuchabatsira varimi zvikuru sezvo vakatarisana nedambudziko rekushaya mari.

Share This:

Sponsored Links