Maticha 1 300 pabasa

15 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Maticha 1 300 pabasa Mai Thabela

Kwayedza

Munyori weKwayedza
BAZI redzidzo yepuraimari nesekondari rakapinza basa varaidzi 1 300, vakawanda vacho ndokuendeswa kuMatabeleland North. Izvi zvinotevera kugunun’una kwanga kuripo apo murairidzi mumwe chete anonzi aifundisa vana vanosvika 165 mushure mekunge Public Service Commission yambomisa kupinza mabasa vashandi veHurumende mugore ra2014. Svondo rapera, bazi iri rakashambadza mazita ematicha akapinzwa basa.

Munyori mukuru mubazi iri, Mai Tumisang Thabela, vanoti maticha akapinzwa basa vanofanirwa kuenda kumahofisi edzidzo ari kunzvimbo dzavo kuitira kuti vaudzwe zvikoro zvavachanodzidzisa.

“Ichi chiziviso kune vakapinzwa mabasa nePublic Service Commission sematicha mubazi redzidzo yepuraimari nesekondari. Munofanirwa kuenda kumahofisi edistrict kuitira kuti mugoziviswa kuzvikoro kwamuri kunoshandira,” vanodaro Mai Thabela.

Pamaticha 1 300 akapinzwa basa, vanodarika 300 ndevekuMatabeleland North vari vepuraimari nesekondari. Matabeleland South yakapihwa maticha 242 apowo Bulawayo yakawana vadzidzisi 107.
Masvingo yakapihwa 105 kuchiti Midlands yakawana 73.

“Maticha akapinzwa basa aya ndeemumadistricts emumapurovhinzi manonwe. Matabeleland North ndiyo yange iine kushomeka kwematicha kwakanyanya, kwose kusekondari nekupuraimari. Nekudaro yakapihwa maticha 300 kuitira kusimudzira dzidzo mudunhu iri,” vanodaro.

Mai Thabela vanoti kupinzwa basa kwematicha uku kwakaitwawo kuti chirongwa cheNew Curriculum chifambiswe zvakanaka.
Chamangwiza wesangano rinomirira maticha, reZimbabwe Teachers Association, VaSifiso Ndlovu, vanogamuchira nemawoko maviri danho rakatorwa neHurumende rekupinza varairidzi mabasa.

“Tinofara nekuti kupinzwa mabasa uku chiratidzo chekuti Hurumende yatanga kuita zvatakawirirana zvekuti muzvikoro muve nematicha anokwanirana.
“Maticha akapinzwa basa mashoma pane ataitarisira, zvisinei chiratidzo chakanaka,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links