Maticha 1 500 vapinzwa basa

29 Mar, 2022 - 00:03 0 Views
Maticha 1 500 vapinzwa basa VaTaungana Ndoro

Kwayedza

Siphathisiwe Maziwa

HURUMENDE yapinza mabasa varairidzi vanosvika 1 500 kubvira pakutanga kwegore rino nechinangwa chekuti huwandu hwevadzidzisi nehwevana hunge hwakaringana sezvinodiwa pasi pemitemo yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Pasi pemitemo iyi, vana havatenderwe kufunda vakawandisa mukirasi sezvo izvi zvinopa mukana wekuti denda iri ritapuriranwe nekupararira nyore.

Danho iri rakanangana nekuzadzikisa chinangwa cheHurumende chekupinza mabasa maticha 5 000 kuitira kuti murairidzi mumwe adzidzise vana 20 kusvika 35 zvichienderana negwaro racho sezvinodiwa pasi pemitemo yekurwisa Covid-19.

Bazi rinoona nezvehomwe yenyika rakatoisa mari padivi yechirongwa chekupinzwa mabasa kwematicha.

Ongororo yakaitwa inoratidza kuti muZimbabwe mune vadzidzi vepuraimari nesekondari vanodarika 4,5 miriyoni uye nevarairidzi 140 000.

Mukushi wemashoko kubazi redzidzo yepuraimari nesekondari, VaTaungana Ndoro, vanoti maticha akapinzwa basa achaendeswa kuzvikoro uko ari kudiwa zvakanyanya.

“Kusvika pari zvino, vadzidzisi vanosvika 1 500 vapinzwa mabasa zvikaita kuti pasare paine mukaha wevamwe 3 500 kubva pa5 000 avo vakabvumidzwa kuti vapinzwe mabasa nebazi rinoona nezvehomwe yenyika.

“Maticha atakapinza basa nevachazopinda vachaendeswa kuzvikoro kwavari kudiwa zvakanyanya,” vanodaro VaNdoro.

Vanoti chinangwa chikuru ndechekuti huwandu hwevarairidzi nevadzidzi hunge hwakaringana sezvinodiwa pasi pemitemo yeStandard Operating Procedures (SOPs).

“Huwandu hwakapasiswa pari zvino hunoti ECD kusvika Grade 2, murairidzi mumwe pavana 20 uye pagwaro resekondari, ticha mumwe pavadzidzi 35 kuchitiwo A-Level, mudzidzisi mumwe pavadzidzi 25. Izvi ndizvo zvatinokurudzira sezvinodiwa mumashandiro edu, asi mamiriro ezvinhu anosiyana nezvikoro zvichienderanawo nenzvimbo dzekufundira pamwe nekuwanikwa kwevarairidzi,” vanodaro VaNdoro.

Mutungamiriri wesangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe (PTUZ), Dr Takavafira Zhou, vanorumbidza Hurumende nedanho rairi kutora rekupinza vararidzi basa asi vanoti vakawanda vanofanirwa kunge vachiwanisa mabasa kuitira kuvhara mukaha uripo.

“Tine mukaha wematicha anosvika 60 000 muzvikoro. Kupinzwa basa kwe1 500, pachidiwa 5 000, panosara paine mukaha mukuru kana tichitarisa vararidzi vari kudiwa muzvikoro,” vanodaro.

“Panofanirwa kuve nechirongwa chakasimba chekuti pave nematicha akaringana nehuwandu hwevadzidzi muzvikoro uye nekukurudzira varairidzi kuti vave nezvinodiwa mukuzadzikisa chiono cheVision 2030.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey