Maticha 10 000 vopinda basa

03 Feb, 2022 - 08:02 0 Views
Maticha 10 000 vopinda basa

Kwayedza

Mthabisi Tshuma

HURUMENDE yatanga kupinza varairidzi 10 000 mabasa apo zvikoro zvatarisana nekuvhurwa nemusi weMuvhuro unotevera.

Danho iri rine chinangwa chekuti huwandu hwevadzidzi nematicha kubva Grade 1 kusvika 7 hunge hwakaringana zvichitevera kunyuka kwechirwere cheCovid-19.

Pasi pemitemo yekurwisa denda iri, vadzidzi vanofanirwa kufunda vakatarangana.

Danho rekupinzwa kwevarairidzi mabasa iri rakananganawo zvakare nekuzadzikisa nzvimbo dzisina maticha nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

Ongororo yakaitwa gore rapera inoratidza kuti Zimbabwe ine vadzidzi vanodarika 4,6 miriyoni apo varairidzi vachidarikawo 140 000.

Bazi redzidzo yepuraimari nesekondari rinoti rinoda varairidzi vanodarika 40 000 kuti vachizadzikise zvinzvimbo zviripo muchikamu chedzidzo, zvikuru kuzvidzidzo zvesainzi neEarly Childhood Development (ECD) kunova kusina varairidzi vakawanda.

Hurumende iri kuwedzera huwandu hwevarairidzi vanodiwa kuitira kuti pasava nekuungana kwevana mumakirasi zvichitevera chirwere cheCovid-19.

Gore rapera, Hurumende yakapinza mabasa varairidzi 3 816 uye ikatsiva vamwe 835 vakanga varegedza kuenda kubasa mushure mekupinzwa mabasa muna2020.

Dunhu reMatabeland South ndiro rakawaniswa varairidzi vakawanda vanosvika 567 apo vazhinji vacho vaive vemagwaro epasi uye vanokwanisa kushandisa mitauro yemuno.

Izvi zvakaitwa zvichifambirana nemitemo yedzidzo inoti vana vepuraimari – kunyanya veECD kusvika Grade 3 – vanofanirwa kufundiswa nevarairidzi vanotaura rurimi rwaamai.

Mugore ra2020, Hurumende yakapinza mabasa varairidzi 5 300.

Gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Evelyn Ndlovu, vanoti Public Service Commission (PSC) yakatotanga hurongwa hwekupinza varairidzi mabasa senzira yekuona kuti zvikoro zvawaniswa maticha anokwanirana.

“Tichatanga kupinza varairidzi mabasa kutanga nemusi weMuvhuro, tine nzvimbo dzinoda kupinzwa mabasa kwete kuti tine kushomekerwa navo.

“Tinoona zvichibatsira kuti vana vasafunde vakawandisa mukirasi zvinova zvinodiwa nemitemo yeWorld Health Organisation (WHO) yekudzivirira chirwere cheCovid-19. Nzvimbo idzi dzichazadzikiswa panovhurwa zvikoro,” vanodaro.

“Pari zvino huwandu hwevadzidzi nevarairidzi hwakapasiswa paECD huri pa1:20, Grade 3-7 huri pa1:40 kuchizoti Form 1- 4 huri pa1:33, A-Level 1:20. Zvisinei, tiri kuda kuti huwandu hwevana vari kuita Grade 1-7 huderere kuenda pa1:35,” vanodaro.

Dr Ndlovu vanoti gadziriro dzekuvhurwa kwezvikoro dziri kufambira mberi zvakanaka apo karenda ra2022 rakatoburitswa musi weChipiri chino.

“Vadzidzi vekumabhodhingi vanowanza kuenda kuchikoro mazuva mashoma zvisati zvavhurwa uye kuchange kusina nyaya dzekuvhenekwa chirwere cheCovid-19 asi vose vanokodzera kubaiwa nhomba yeCovid-19 vanokurudzirwa kuti vange vachitora danho iri,” vanodaro Dr Ndlovu.

Share This:

Sponsored Links